Accessibility links

Breaking News

Chizvarwa cheZimbabwe Chobatsira Vanotambura kuCalifornia


Mufundisi Fortunate Hove

Mufundisi Fortunate Hove vanive chizvarwa cheZimbabwe vachitungamira kereke yeConcerned Family Ministry vari kuRiverside, kuCalifornia vanoti vari kuita basa rekubatsira vanoshupika.

Pastor Hove vanoti vari kubatsira nechikafu, mbatya, kutaura neavo vari kunetseka nezvinodhaka, kubatsira mhuri kuti dzigare zvakanaka uye nezvimwe zvinoita kuti hupenyu hwevanhu huite nani.

“Tinogamuchira vanhu vaya varambwa nenyika, vanogara mumigwagwa tichivapa chikafu, " Amai Hove vakaudza Studo 7.

Vanoenderera mberi vachiti, "Tinotaura nekubatsira vaye vanoremerwa nekudhakwa, vamwe pfungwa dzakanganisika. Tinotaura navo, tichivaratidza rudo. Hazvisinyore nekuti vanhu vanoratidza kuti vakarambwa. Saka havana basa nezvakawandisa.”

Pastor Hove vati pavakauya kuAmerica vakange vasingatsvaki zvemari asi moyo wavo wakaramba uchivaratidza zvekuita, vachiti kwaitove kudaidzwa naMwari.

Vanoti basa rekumbove mutapi wenhau rakavadzidzisa kusapima vanhu asi kuvatambira sezvavari.

please wait

No media source currently available

0:00 0:10:34 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG