Accessibility links

Breaking News

Vachuchusi Vanoti VaMawarire Vaida Kupidigura Hurumende yaVaMnangagwa


Evan Mawarire
Evan Mawarire

Mufundisi vanotungamira sangano reHashtag This Flag, Pastor Evan Mawarire, vamiswa pamberi pedare neChina vachipomerwa mhosva yokuronga zvekupidigura hurumende pamwe nekukurudzira veruzhinji kuti vaite zvemhirizhonga mukuratidzira kwakaitwa svondo rino.

Muchuchisi wenyaya iyi, Mirirai Shumba, vaudza dare kuti VaMawarire vakapara mhosva iyi musi wa13 mwedzi uno pmawechete nemutungamiri wesangano rinomirira vashandi pavakabuditsa vhidhiyo yakaiswa paFacebook nepaWhatsapp pamwe Twitter vachikurudzira veruzhinji kuti vagare kudzimba dzavo kwemazuva matatu.

Asi rimwe remagweta aVaMawarire, Amai Beatrice Mtetwa, vaudza dare kuti VaMawarire vanofanira kubuditswa muhusungwa izvozvi vacvhiti hapana chikonzero chekuvharira mujeri sezvo vati mapepa ari pamberi pedare haaratidzi kuti VaMawarire vane mhosva yavakapara.

Amai Mtewta vati zvakataurwa naVaMawarire muvhidhiyo iyi zvekukurudzira kuti vanhu vagare kudzimba dzavo senzira yekunyunyuta nekutadza kuri kuita hurumende kugadzirisa hupfumi hwenyika hainganzi imhosva vachiti VaMawarire vane kodzero pasi pebumbiro remitemo yenyika yekutaura zvavanoda.

Vatiwo kukurudzira kwakaita VaMawarire kuti hurumende ibvise ma bond notes hainganzi imhosva zvakare vachiti matare anogona kuswera mazuva ose achitonga munhu wese munyika sezvo zviri izvo zviri kudiwa nezvizvarwa zveZimbabwe.

Muchuchisi ati hurumende ichapa mhinduro yayo neChishanu pane zvataurwa naAmai Mtetwa zvichireva kuti VaMawarire vacharara muhusungwa.

VaMawaire vaudza Studio7 vasati vapinda mudare kuti zviri kuitwa nehurumende izvi kuvashungurudza kuri pachena.

VaMawarire ndeumwe wevanhu vakawanda vamiswa pamberi pematare vari kupomerwa nyaya dzakasiyana-siyana dzine chekuita nekuratidzira kwakaitika munyika yose kubva neMuvhuro.

Vagari vekuEpworth makumi matanhatu nemumwe vanzi nedare vadzoke neChishanu kudare kuzonzwa mutongo wavo pachikumbiro chekuti vatongwe vachibva kudzimba dzavo uye kutanga kwemhosva dzavari kupomerwa dzekuita mhirizhonga, kupisa dzimotokari pamwe nekupwanya kamba yemapurisa.

Mutauriri weMDC inotungamirwa naVaNelson Chamisa, VaJacob Mafume, vanoti mutungamiri weboka revechidiki mubato ravo, VaHappymore Chidziva, vanga vachimhanyiswa nevari kufungidzirwa kuti vasori mumsusha weWaterfalls.

Studio7 haina kuziva kuti chii chazoitika kuna VaChidziva sezvo nharembozha yavo yanga isiri kupinda.

Muaturiri wemapurisa, Senior Assitant Commissioner Charity Charamba, vanoti pane vanhu vanodarika mazana matanhatu vakasungwa munyika yose maererano nekuratidzira kwakaita munyika kubva musi weMuvhuro.

Vanhu ava vanosanganisira murongi wemisangano muMDC, VaAmos Chibaya.

Amai Charamba vati mapurisa achiri kutambira mashoko ekusungwa kwevamwe kubva kunzvimbo dzakasiyanasiyana munyika kuti agokwanisa kuzopa huwandu hwevanhu vasungwa hwakati tsvikiti.

Mamwe mashoko atiri kutambira anoti sachigaro wevechidiki muZanu PF mupurovhinzi yeHarare, VaGodwin Gomwe, varohwa nemasoja mumusha weBudiriro muno muHarare mushure memhirizhonga yavanonzi vaita pane chimwe chitoro chiri muBudiriro makare.

Zvinonzi VaGomwe vazoendeswa kumapurisa ekuBudiriro kwakare asi Amai Charamba vati vanga vasati vatambira mashoko aya.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:59 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG