Accessibility links

Breaking News

Hurumende Inokomekedza Hofisi yekwaRegistrar-General Kuti Iongorore Mari dziri Kubhadhariswa Vanoda Mapasipoti


Vanhu vanonzi vari kubhadhariswa mari kaviri kuti vakwanise kutora mapasipoti, izvo zviri kurambwa nehurumende.
Vanhu vanonzi vari kubhadhariswa mari kaviri kuti vakwanise kutora mapasipoti, izvo zviri kurambwa nehurumende.

Hurumende neChipiri yakakomekedza bazi rekwaRegistrar-General kuti riongorore nyaya yekubhadharisa vanhu mari kaviri zvichitevera kuwanikwa kwakaitwa mumwe mushandi muChinhoyi achibhadharisa mumwe munhu akanga achida pasipoti mari yemadhora ekuAmerica pamwe nemabhondi.

Izvi zvakaitika gurukota rezvemukati menyika, VaKazembe Kazembe, vachiona nemaziso avo apo mumwe mudzimai, Muzvare Memory Kasipo, vakanzi vabhadhare mabhondi makumi mashanu nematatu, pamusoro pezvo ndokunzi vabhadhare zvakare madhora mazana matatu ane gumi nesere emadhora ekuAmerica, sezvo vakanga vachida pasipoti yechimbi-chimbi.

VaKazembe vakaonawo kusabatwa zvakanaka kuri kuitwa vanhu nevashandi vekwaRegistrar General, avo vaichenamira vanhu vakange vari mumitsetse vachida kutora magwaro avo.

VaKazembe vakati vaudza vakuru vepamahofisi emuChinhoyi kuti vaferefete zvakaitwa nemushandi uyo akanga achida kubhadharisa Muzvare Kasipo mari zvisiri pamutemo.

VaKazembe vakatiwo zvavakaona zvinopa kuti zvizvarwa zvenyika zvinoshandira kune dzimwe nyika, zvishore zvikuru hurumende nekuita huori.

Muzvare Kasipo vakati vakanzi vatange kubhadhara madhora makumi mashanu nematatu emabhondi kunyange vakaudza mushandi uyu kuti vaida pasipoti yechimbi chimbi iyo inobhadharwa nemadhora ekuAmerica chete.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa kumukuru wepamahofisi epaChinhoyi kuti vachaita seyi nenyaya yakanzi iferefetwe naVaKazembe, sezvo zvakaitwa nemushandi uyu zvisiri pamutemo.

VaKazembe vakazoudza vatori venhau pavakapedza kushanya kwavo kuti havana kufara nehunhu hwavamwe vashandi vekumahofisi a Registrar General.

VaKazembe vakashoropodza kutadza kushanda kwevashandi nekuda kwekushaikwa kwemagetsi vachiti bazi rekwaRegistrar General rinofanirwa kushandisa moto wezuva kana kuti solar.

VaKazembe vakati mutengo wepasipoti hausati wakwira asi pane hurongwa hwekukwidza mari sezvo zvikwanisiro zvakugadzira mapasipoti zviri kuvadhurira.

Hurumende inogadzira mapasipoti zviuru zviviri pazuva ichiti inokwanisa kuwedzera kana ikawana zvikwanisiro zvinotengwa nemari yekuAmerica iyo iri kushaikwa munyika.

VaKazembe vakati pane vanhu vanosvika mazana matatu nemakumi mashanu ezviuru vakamirira mapasipoti avo munyika yose, ukuwo makumi mana ezviuru vari vagari vekuMashonaland West chete.

Nyaya ina Nunurai Jena
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:37 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG