Accessibility links

Breaking News

Hurumende Inotara Mitemo Inoomesera Vanofungidzirwa Kuti Vanozvidza Nyika?


VaDewa Mavhinga
VaDewa Mavhinga

Dare remakurukota rakapasisa kuvandudzwa kwechikamu chemutemo weCriminal Law (Codification and Reform) Act, izvo zvinenge zvave kuita kuti ive mhosva kuti zvizvarwa zveZimbabwe zvishande nenyika dzekunze dzinonzi nehurumende imhandu.

Hurumende inoti kushanda nemhandu dzenyika kunorwadziswa vana veZimbabwe pamwe nekusagadzikana kwenyika.

Mutemo uyu uchaitawo kuti kuti ive mhosva kuvanhu vanenge varatidzira panguva dzakanangana nemisangano mikuru kana kushanyirwa kwenyika nevekunze.

Nyaya dzekuti munhu anoti atochwa kana kupambwa asi pasina humbowo dzinonzi dzinenge dzave kuitawo kuti munhu asungwe nekutongwa.

Zvinonzi mutemo uripo iye zvino hauite kuti munhu asungwe nemhosva yekushoropodza nyika yake achishanda nenyika dzekunze.

Izvo zvakaziviswa neChipiri manheru negurukota rezvekuburitswa kwemashoko, Amai Monica Mutsvagwa, mushure memusangano wedare remakurukota.

Asi gweta rinorwira kodzero dzevanhu, uye vari mukuru weHuman Rights Watch kuchamhembe kweAfrica, VaDewa Mavhinga, avo vanopomerwawo nevamwe veZanu PF nehurumende mhosva yekukurudzira zvirango, vanoti zvaitwa nedare remakurukota izvi ndezvemugotsi matsuro.

VaMavhinga vanoti kudzika mitemo inoomesera zvizvarwa zveZimbabwe hakusi iko kunounza budiriro munyika.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:08 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG