Accessibility links

Breaking News

Zvikoro Zvokurudzirwa Kutakura Vana neMichovha Ine Magwaro Akakwama


Tafadzwa Goliati, President: Passengers Association of Zimbabwe
Tafadzwa Goliati, President: Passengers Association of Zimbabwe

Sangano rePassengers Association of Zimbabwe rinoti ratanga kutaura nevakuru vezvikoro nezvemabhazi nemichovha inoshandiswa kutakura vana vechikoro vachienda kana kudzoka kuzvikoro.

Mutungamiriri wesangano iri, VaTafadzwa Goliati, vaudza Studio 7 kuti kodzero dzevana vechikoro dziri kutyorwa sezvo vachimanikidzwa kukwira mabhazi kana motokari dzisina kodzero yekufamba mumigwagwa uye dzisina magwaro enjodzi kana kuti ‘insuarance’.

VaGoliati vati vari kushanda nemapurisa mune zvese zvavari kuita. “Isu sesangano rePassengers Association of Zimbabwe, taona zvakakodzera kuti tidzidzise vezvikoro nema’creche’ kuti vagare vakadzivirira tsaona nokutenga ‘insurance’ kana vaine mabhazi asi kana vasina, vanofanira kuhaya mota dzinayo,” VaGoliati vaudza Studio 7.

Sangano iri rinoti gore rino idonzvo ravo rekudzidzisa vakuru vezvikoro pamwe chete nebazi rehurumende rinoona nezvedzidzo zvavanotarisira kuti zviitwe kugadzirira tsaona dzinogona kuitika vachiti chikoro chega chega chinofanira kuve nemitemo inoshandiswa pakutakura vana.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:15 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG