Sangano revanofamba nemabhazi nemichovha, rePassengers Association of Zimbabwe, rinoti nhengo dzaro dziri kugutsikana nemamiriro ezvinhu munyaya dzekuwanikwa kwemafuta edzimotokari sezvo vafambi vasina kuwana dambudziko.
Munyori anoona nezvekufambiswa kwemabasa musangano iri, vari zvakare vakafanobata chigaro chemutauriri, VaAndrew Chibanda, vanoti vemuchovha, zvikuru vermishikashika, vakanga vakwidzawo mari dzairipirwa nevafambi zvakapetwa kaviri asi mari idzi dzamuka dzakadzokera padzaive kare sezvo michovha yawanda nekuwanikwa kwemafuta uku.
Asi sangano iri richiri kuchemawo nekushomeka kwemabhazi anotakura veruzhinji, richiti knyange hazvo kambani yeZUPCO iri kubatsirwa nezvitima kutakura vanhu, vari kudzimwe nzvimbo dzisina zvitima vari kumanikidzwa kufamba mitunhu kuenda kunokwira zvitima izvi, kana kuzosvika kudzimba kwadoka.
Mafuta ekufambisa akamboshaikwa munyika mukupera kwesvondo zvakaita kuti mitsetse idzoke zvakare mumagaraji anotengesa mafuta aya.
Asi hurumende yakavimbisa kuti dambudziko iri raizogadziriswa nekukasika, ichiti raive rakonzerwa nekukanganisika kwemichina inofambisa mafuta kubva kuMozambique.
Facebook Forum