Accessibility links

Breaking News

Vafambi Vanokurudzirwa Kusabvisa ma”Mask” Kana Kudya Vari Mumabhazi neMichovha


Vanhu vanokurudzirwa kusabvisa ma'mask' kana kudya vari mumabhazi
Vanhu vanokurudzirwa kusabvisa ma'mask' kana kudya vari mumabhazi

Sangano rinomirira vanofamba nemabhazi nemichovha, rePassengers Association of Zimbabwe, rinoti harisi kufara nezvariri kuona zvichiitwa nevanhu mumabhazi nemumichova.

Mutungamiri we Passenger Association of Zimbabwe, VaTafadzwa Goliati, vanoti vanhu vazhinji vanobvisa zvekuvhara mhuno nemuromo, kana kuti ma‘mask’, kana vapinda mumabhazi kana mumakombi.

VaGoliati vanoti izvi hazvifanirwi kuitwa uyevo hazvisi pamutemo.

Vanoti sangano rePassengers Association of Zimbabwe rinokurudzira kuti, parizvino, vanhu varegere tsika yekudya pavanenge vapinda mumabhazi kana mumakombi nekuti izvi zvinobatsira mukuparadzira coronavirus.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:44 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG