Accessibility links

Breaking News

PAZ Inokurudzira Hurumende Kuti Ipe Mapurisa Zvikwanisiro Zvekuita Basa Ravo


Tafadzwa Goliati, President Passangers Association of Zimbabwe

Sangano rinomirira vanoshandisa mabhazi nemichovha, rePassenger Association of Zimbabwe (PAZ), rinoti raendesa gwaro kuparamende kuti mutemo unoti motikari dzinotakura veruzhinji dziiswe michina inoita kuti motikari idzi dzisamanyisa ushandiswe.

Mutungamiri wesangano iri, VaTafadzwa Goliati, vanoti mutemo uyu wagara uripo asi hurumende haisi kumushandisa zvine simba.

VaGoliati vati kana motikari dzikaiswa michina iyi, zvichadzikisa huwandu hwevanhu vanofira mutsaona dzemumigwagwa sezvirikuitika kuRwanda, uko kwavanoti hurumende yeko irikushandisa mutemo uyu zvine simba zvekuti huwandu wevanofa mutsaona dzemumigwagwa hwadzika nezvikamu makumi matanhatu kubva muzana.

Vanoti mugwaro ravaendesa kuparamende, chimwe chezvichemo zvavaudza paramende ndechekuti mapurisa vapiwe zvese zvavanoda mukuita basa ravo, zvikuru motikari kuti vakwanise kuronda vanhu vanenge vachityora mitemo yemumigwagwa.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:54 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG