Accessibility links

Breaking News

Paramende Yokurudzirwa Kudzika Mitemo Inochengetedza Kodzero dzeVana veChikoro


Amai Priscilla Misihairabwi Mushonga
Amai Priscilla Misihairabwi Mushonga

Rimwe sangano rinorwira kodzero dzevanhu pasi rose ranyorera paramende tsamba richitenda zvikuru hurongwa hwekuvandudza mitemo inobata dzidzo yepasi.

Sangano reHuman Rights Watch rakasvitsa nemusi weChina gwaro raro kumunyori weparamende kuburikidza nasachigaro wekomiti yeparamende inoona nezvedzidzo yepasi, Amai Priscilla Misihairabwi Mushonga, richiti rinodawo kuona zvimwe zvinhu zvichiiswa mubhiri redzidzo, reEducation Amendment Bill, kuitira kuti kodzero dzevana dzichengetedzwe nemazvo.

Sangano iri rinotiwo hurumende inofanirwa kuona dzidzo sekodzero yakakosha, nokudaro riri kukurudzira kuti dzidzo yepasi inge iri pachena, uye yakachengetedzwa nemutemo, kuitira kuti mwana wese awane dzidzo iri pachena.

Mukuru weHuman Rights Watch kuchamhembe kweAfrica, VaDewa Mavhinga, vanoti bhiri iri rinofanirwa kuona kuti mitemo yepasi rose inobata vana vechikoro, yaremekedzwa, uye kubvisa zvachose, kurangwa muzvikoro kwevana vanenge vakanganisa.

Dewa Mavhinga
Dewa Mavhinga

VaMavhinga vanoti madzishe nemasabhauku anofanirwawo kuona kuti kodzero dzevanasikana dzaremekedzwa sezvinodiwa nemitemo yepasi rose.

Vanoti ongororo yavakaita inoratidza kuti vana vechikoro vazhinji vasati vabva zera vari kushandiswa kuita mabasa mumapurazi, zvikuru efodya, izvo zvinotyora kodzero dzavo, uye kuvhiringawo hutano hwavo.

Studio7 haina kukwanisa kubata Amai Misihairabwi Mushonga kuti tinzwewo divi ravo pagwaro reHuman Rights Watch iri, uye zvichaitwa nekomiti yavo.

Zvimwe zviri kukurudzirwa kuti zvisimbaradzwe mubhiri iri ndezvekuti pave nemutemo unorambidza kudzinga vanasikana vanenge vabata pamuviri vachiri kuenda kuchikoro.

VaMavhinga vanoti panofanirwa kuva nehurongwa hunofanirwa kuona kuti vanasikana vanenge vabata pamuviri vawaniswa mukana wekuenderera mberi nedzidzo.

Human Rights Watch inoti zvakakodzera zvikuru kuti vana vazive nezvehutano hwavo munyaya dzekodzero nedzekuita zvepabonde, kuitira kuti vasawirwe mune remangwana nedambudziko rekubata pamuviri.

Sangano reHuman Rights Watch, iro rine mahofisi mumaguta makuru makumi maviri nemashanu pasi rose, rinoti mutemo mutsva uri kuumbwa unofanirwa kudzivirirawo mhirizhonga muzvikoro.

Rinotiwo nhengo dzeparamende dzinofanirwa kuti dzione kuti mutemo uchadzikwa unoremekedza mitemo nemagwara anokurudzirwa nemasangano akaita seUNESCO, Rights of Women in Africa, African Youth Charter pamwe neAfrican Charter on Human and People’s Rights, nemamwe.

please wait

No media source currently available

0:00 0:07:43 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG