Accessibility links

Breaking News

Chikwata cheEuropean Union Chinosangana neNhengo dzeParamende


European Union Visits Zimbabwe
European Union Visits Zimbabwe

Chikwata cheEuropean Union icho chiri muZimbabwe kuzonzwa nezvesarudzo dzegore rino chasangana nekomiti mbiri dzeparamende dzinoona nezvemutemo uye chaudza komiti idzi kuti masangano akawanda nevazhinji vavasangano navo kusvika pari zvino havasi kufara nekusavandudzwa kwemitemo yesarudzo.

Vachitaura nevatori venhau mushure memusangano nechikwata ichi, sachigaro weParliamentary Legal Committee, VaJonathan Samkange, vati musangano wafamba zvakanaka uye vaudzwa nechikwata ichi kuti vanhu nemasangano aonekwa nechikwata ichi vanoda kuti mutemo wesarudzo uvandudzwe.

VaSamkange vati vaudza chikwata ichi kuti paramende itori mushishi rekuvandudza mutemo uyu,uye komiti yavo yakatopedza kuongorora bhiri reElectoral Ammendment Act ikaona kuti hari pokani nebumbiro remitemo yenyika.

Vati kunyange hazvo bhiri iri rave kuzeiwa muparamende, havazivi kuti richapasiswa rini.

Sachigaro vekmoti yeJustice, Legal and Parliamentary Affairs, VaFortune Chasi, vaudza Studio7 kuti chikwata ichi change chichida kunzwa pamusoro pegadziriro yesarudzo dzegore rino.

VaChasi vati vanovimba kuti EU ichauya kuzoongorora sarudzo idzo vati dziri kurongwa pachena.

Chikwata ichi chiri kunzwa kubva kumapato ese ezvematongerwo enyika, masangano akazvimirira navose vane chekuita nesarudzo.

Chichanotaura zvachinenge chawana kuEU iyo yakakokwa kuti izoongorore sarudzo dzegore rino.

Mune imwewo nyaya komiti yeparamende inoona nezvemigodhi nemhando dzemoto,yambomira kunzwa nyaya yekubiwa kwemangoda ekwaMarange nhasimushure mekunge vamwe vange vachifanira kupa humbo vatadza kuuya.

Vamwe vange vachifanira kuuya nhasi ndeivaimbove mukuru wemapurisa, VaAugustine Chihuri, vaimbove munyori mubazi rezvemigodhi, VaFrancis Gudyanga.

Kunyange hazvo vamwe vainge vakakokwa, vanosanganisira vamiriri vemakambani aichera mangoda kwaMarange, mukuru wemapurisa, Commission General Godwin Matanga, vakuru veZimbabwe Mining Development Corporation nevamwe vauuya, sachigaro wekomiti iyi, VaTemba Mliswa, vati komiti yavo yawona zvakakodzera kuti munhu wese ane chekuita nenyaya iyi avepo.

Nekudaro komiti iyi yave kuzonzwa nyaya iyi musi wa 9 Kubvumbi.

Komiti iyi irir kuda kunzwa kuti zvinhu zvaifamba sei kwaMarange uko makambani akawanda kusanganisira mapazi ehurumende aichera mangoda asi pasina mari yakawanda yaienda kuhurumende.

Vaimbove mutungamiriri wenyika, VaRobert Mugabe, vakatotaura kuti mangoda anokosha $15 billion ekwaMarange akatsakatika.

VaMliswa vati VaMugabe vachauyawo kuzopa huchapupu kukomiti iyi.

Vamwe vanotarisirwa kupa humbowo kukomiti iyi ndevaimbove gurukota rezvemari, VaTendai Biti, pamwe navese vakaita makurukota ezvemigodhi panguva yakatanga kucherwa mangoda kwaMarange kusvika pari zvino.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:09 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG