Accessibility links

Breaking News

Vanhu Votarisira Kushanda Zvakasimba kweNhengo dzeParamende


Zimbabwe Speaker of Parliament Jacob Mudenda presides over a parliament session where a motion is moved to impeach President Robert Mugabe, Nov. 21, 2017 at the Zimbabwean Parliament in Harare, Zimbabwe.
Zimbabwe Speaker of Parliament Jacob Mudenda presides over a parliament session where a motion is moved to impeach President Robert Mugabe, Nov. 21, 2017 at the Zimbabwean Parliament in Harare, Zimbabwe.

Mutungamiriri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vakaparura kushanda zviri pamutemo kweparamende yepfumbamwe muna Gunyana vachivimbisa kuti paramende iyi ichavundudza mitemo yakasiyana siyana kuitira kuti vemabhizimisi vauye kuzosima mari dzavo munyika, pamwe nekuti vanhu vagare zvakanaka munyika.

Asi kusvika pari zvino hapana zvizhinji zvakavimbiswa zvati zvaitwa.

VaMnangagwa vakavhura paramende vachivimbisa kuti hurumende yavo yainge yakasiyana neye vaimbove mutungamiriri wenyika, VaRobert Mugabe. Asi makurukota aVaMnangagwa mazhinji akatadza kuenda kuparamende musi wayatanga basa izvo zvakatsamiswa vakawanda.

Vamwe vasina kufarawo nhazvo mumiriri weNorton muNational Assembly, VaTemba Mliswa, avo vakati hurongwa hwaVaMnangagwa haugoni kubudirira nemaitiro emakurukota avo.

Mutauririri wedare iri, Advocate Jacob Mudenda, havanawo kufara nemaitiro emakurukota uye vakavimbisa kutaura nemakurukota aya pamwe nekuzivisa mutungamiriri wenyika nezvenyaya iyi.

Nguva dzese panotanga paramende basa mosheni yekutanga muNational Assembly neSeneti ndeyekutenda mutungamiriri wenyika nemashoko pakuvhura paramende.

Asi gore rino nhengo dzeMDC inotungamirirwa naVaNelson Chamisa, dzakati hadzisi kuzotaura pamusororo pemosheni iyi sezvo bato radzo risingatore VaMnangagwa semutungamiri wenyika ari pamutemo.

MDC inoti sarudzo dza2018 dzakabirwa zvemhando yepamusoro, ukuwo Zanu PF ichiti yakakunda zvine mutsindo, izvo zvakatambirwa nedare reConstitutional Court

Asi mukuru wesangano reZimbabwe Democracy Institute, Doctor Pedzisayi Ruhanya, vanoti kuita kwadai hakuna zvakunobatsira.

Mukuru wesangano rinomirira vatori venhau dzemuparamende, reZimbabwe Parliamentary Journalists Forum, Vernanda Langa, anotiwo muparamende muri kugara muine mhirizhonga.

Langa anoti nyaya yekuti nenhengo dzeMDC dziri kuramba kuremekedza VaMnangagwa ndiyo yakaizoita kuti dziburitswe mudare nechisimba musi waturwa bhajeti ra2019.

Anoti kunze kwimhirizhonga yaiitika mudare, mumakomiti eparamende mune nyaya hombe dzakaitaika uye anoti anoona sekuti nyaya yekuongorwa kwemashandiro ekambani yemarasha, yeHwange Colliery, nekomiti inoona nezvemigodhi kwakaburitsa huwori hunotyisa huri kuitika mukambani iyi.

Langa anoti chakanyanya kukatyamadza maitiro enhengo dzebato reZanu PF idzo dzakaramba kuti mumwe muzvinabhizimi ane zvikamu zvakati kuti mukambani iyi, VaNick Van Hoogstraten, vasape humbowo pamusoro pekambani iyi.

Zvakabudawo pachena muongororo yakaitwa kuti pane vamwe, vakaita samuzvinabhizimisi Shepard Tundiya vekuKwekwe vakashandisa zita remutungamiri wenyika kuvhiringidza zvinhu mukambani yeHwange.

Paramende haina kufara nekushaikwa kwemafuta emotokari munyika uye komiti inoona nezvemhando dzemoto yakasheedza makambani anotengesa mafuta, Reserve Bank of Zimbabwe, RBZ, pamwe navese vane chekuita nenyaya iyi kuti vazotsanangure kuti dambudziko iri ringapere sei.

Gavhuna weRBZ, Dr John Mangudya, vakaudza pararemende kuti vari kutenga mafuta anokwanira nyika yese asi zviri kuitika zvinoratidza kuti mafuta aya haazi kukwana sezvo mitsetse yemotokari mumagaraji iri kuramba ichireba.

Nhengo dzeparamende dzisati dzaenda kuzoro rekisimusi dzakapasisa bhajeti ra2019, mushure mekumanikidza gurukota rezvemari VaMthuli Ncube kuti vawedzera bhajeti radzo kuti dzikwanise kutengerwa motokari dzemhando yepamusoro, dzerudzi rweToyota Land Cruiser.

Apo gore ra 2018 riri kusvika kumagumo, vakawanda vanoti vanoda kuona nhengo dzeparamende dzichiita basa rinosimudzira hupenyu hweveruzhinji, kwete kuswera dzichiita kunge ndumurwa dziri kurwira zviwitsi.

please wait

No media source currently available

0:00 0:05:39 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG