Accessibility links

Breaking News

Komiti Inoona Nyaya dzeMhando dzeMoto Inotadza Kuita Basa Rayo


Zimbabwe Mugabe Flags Fly At Half Mast 2
Zimbabwe Mugabe Flags Fly At Half Mast 2

Nhengo dzeparamende kubva kuZanu PF neMDC dziri kuramba dzichikakavadzana mudare pamwe nekukanganisa misangano yeparamende zvisinei kuti komiti inotungamira basa reparamende yakaumba komiti yekuongorora dambudziko riri pakati penhengo idzi.

Komiti inoona nezvemhando dzemoto yatadza kuita musangano mushure mekunge pakandiramwa makobvu nematete pakati penhengo dzeMDC ne Zanu PF.

Nhengo dzeZanu PF dzaramba kuti dzipinde mumusangano unokokerwa nenhengo yeMDC dzichiti bato iri riri kuramba kutambira mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa,semutungamiri akasarudzwa nevanhu.

Sachigaro vekomiti iyi, VaJoel Gabuza, veMDC vati varambidzwa zvakare kuti vatungamire musangano nenhengo dzeZanu PF izvo zvavange vasingafungire sezvo nyaya iyi yave kukadziriswa.

Asi VaElias Musakwa veZanu PF vati musangano wange watotanga vachitungamira musangano apo pazotanga kupopotedzana.

Patavabvunza kuti havasi kuzvidza Standing Rules and Orders Committee here nekuramba vachikakavadzana sezvo nyaya iyi yave kuongororwa, VaMusakwa vati vacharamba vachiita izvi kudzamara vaudzwa nebato ravo kuti vachirega.

MDC inotiwo iri kuremekedza chisungo chakaitwa nekongiresi yebato ravo kuti havatambiri hutungamiriri hwaVaEmmerson Mnangagwa.

Komiti yeparamende inoona nezvebhajeti inotungamirwa naVaTendai Biti veMDC yakatadza kunzwa nyaya dzehuori mwedzi wapera mushure mekunge nhengo dzeZanu PF dzati VaBiti nebato ravo vatange vacherechedza VaMnangagwa semutungamiri wenyika.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG