Accessibility links

Breaking News

Paramende Yokurudzirwa Kuti Iferefete VaKuda Tagwirei


Jacob Mudenda, speaker of parliament.
Jacob Mudenda, speaker of parliament.

Vanhu vakawanda vari kukurudzira kuti paramende iferefete zvakadzama zvakaburitswa nesangano re The Sentry, remu America rinoongorora huori hunoitwa pasi rose, pamusoro pamuzvinabhizinesi, uye ari chipangamazano chemutungamiri wenyika, Va Kudakwashe Tagwirei, avo vanonzi vari kuita zvehuori vachiburitsa munyika mamiriyoni nemamiriyoni emadhora ekuAmerica nenzira dzisina kujeka vachishandisa makambani avo

The Sentry yakaburitsa gwaro rinonzi Shadows and Shell Games – Uncovering an Offshore Business Empire in Zimbabwe, iro rinoratidza kuti VaTagwirei vanoshanda nevakuru vakuru muhurumende kusanganisira mahofisiemutungamiriri wenyika, gavhuna webhanga guru renyika reReserve Bank of Zimbabwe, Dr John Mangudya.

Mutsambambozha yakanyorerwa VaTagwirei nemumwe mukuru wekambani yavo iri kunze kwenyika, yeSotic International, Ronelle Sincliar, yakazivisa mazita evanhu vachange vari mumakambani eThe Lighthouse Trust, The Lionaides Trust, The Alcaston Trust, The Amphion Trust neThe Norfolk Trust, muchengetedzi wemakambani aya ari Dr John Mangudya.

Asi The Sentry inoti hapana kujeka kuti VaMangudya vane ruzivo nazvo here kana kuti kwete.

Asi Dr Mangudya vaudza Studi 7 kuti vakaverengwa gwaro reThe Sentry asi vakati havana zvavanoziva nezvenyaya iyi.

Asi vamwe vanoti VaMangudya vanofanirwa kutora matanho ari pachena kana chiri chokwadi chekuti hapana zvavanoziva nemakambani aVaTagwirei, ayo ari kupomerwa nyaya yekuburitsa mari munyika nenzira dzisina kujeka ivo VaMangudya vari ivo mukuru webhanga rinopa mvumo yekuburitswa kwemari munyika.

Mumiriri weDzivaresekwa muNational Assembly zvakare vari nhengo yekomiti yeparamende inoona nezvekufambiswa kwemari dzehurumende yePublic Accounts Committee, VaEdwin Mushoriwa, vaudza Studio7 kuti nekuda kwekuti vakuru vakuru muhurumende vanoshanda naVaTagwirei, paramende ndiyo yega yasara inofanira kuongorora mashandiro ari kuita makambani aVaTagwirei nehurumende.

VaMushoriwa vati vanoziva kuri nyaya iyi yakaoma asi vakatiwo veruzhinji munyika vanofanira kutaura kana kuita ruzha pamusoro penyaya iyi nekuti ndivo vanorasikirwa apo mari inoburitswa munyika nenzira dzisina kujeka sezvinonzi zviri kuitwa nemakambani aVaTagwirei.

VaMushoriwa vati zviri mugwaro reThe Sentry zvinotsigira zvakagara zvichitaurwa nevakawanda munyika uye vati komiti yakatoita imwe ongororo pamusoro peimwe kambanani yaVaTagwirei, yeSakunda Holdings, iyo yakapihwa basa nehurumende zvisina kujeka.

VaMushoriwa havana kuda kutaura nezviri muongoro yavakaita kunze kwekuti zvakabuda mungororo yavakaita zvichaburitswa muparamende mwedzi uno.

Vanoongorora nyaya dzehupfumi uye vari mukuru wezvirongwa musangano reZimbabwe Network for Social Justice, VaTendai Ruben Mbofana, vaudza Studio 7 kuti gwaro reThe Sentry rinotyisa sezvo richidoma vakuru vakuru muhurumende.

Vati zvave pachena kuti nyika yakabatwa pahuro neVaTagwirei nechikwata chavo uye zvave kutoda ongororo inotungamirwa neparamende kana nematare edzimhosva kuongorora zviri kuitika sezviri kuitwa kuSouth Africa.

Vati munhu wese ane chekuita nenyaya iyi anofanira kubvunzurudzwa uye vanowanikwa vaine mhosva voendeswa kumatare zvisinei nezvinzvimbo zvavo muhurumende kana kumapato avo ezvematongerwo enyika.

VaMbofana vatiwo vana veZimbabwe vanofanirawo kutora matanho panoitika nyaya dzakadai vachiti ndivo vega vanokwanisa kudzivirira huwori hunoita kuti vatambure mari dzichiburitswa munyika.

South Africa yakaumba Zondo Commission kuti iongorore huwori hunozi hwaiitwa nemhuri yekwaGupta iyo inonzi yange yabata vaive mutungamiri wenyika iyi, VaJacob Zuma, makurukota avo pamwe nemakambani ehurumende.

The Sentry inoti nyika nemasangano ekunze anofanira kuongorora makambani aVaTagwirei muZimbabwe nekunze sezvo ari kuita bhizimisi zvisina kujeka.

Intoyambirawo kuti vanoda kuita mabhizinesi muZimbabwe vangwarire kupinda mumabhizinesi anodyidzana nemakambani anonzi ari pasi paVaTagwirei, sezvo achikwanisa kutemerwa zvirango neAmerica sezvakaitwa VaTagwirei neSakunda Holdings yavo.

Nyanzvi munyaya dzehupfumi, vashishanda nesangano reLabour and Economic Development Research Institute of Zimbabwe, Dr Propser Chitambara, vati havawoni VaTagwirei vachiferefetwa pakatariswa kudyidzana kwavanonzi vanoita nevakuru vakuru munyika.

Muimwe tsambambozha inoratidza kuti yakabva kuna VaTagwirei musi wa Chivabvu 31, 2019, ichienda kuvakuru vakuru vemakambani ari pasi paVaTagwirei, VaTagwirei vakanyora vachiti “HE wants that money to be paid after I show him the directors, owners of Sotic documents.”

Kunyange hazvo zita remutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangangwa, risina kudomwa, nyanzvi munyaya dzehupfumi dziri kutevera nyaya idzi dzinoti tsambambozha yaVaTagwirei payakati HE, yaireva His Excellency, izvo zvigona kuburitsa pachena kuti mutungamiri wenyika arimowo mudandemutande remakambani aya ari pasi paVaTagwirei.

Kunze kwekuva chipangamazano chaVaMnangagwa, VaTagwirei vanonzi ihama zvakare yemutungamiri wenyika.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa kumutauriri waVaMnangagwa, VaGeorge Charamba, sezvo nharembozha yavo yanga ichinetsa kubata.

Studio7 yakaedza kunzwa kubva kubazi rezvemari, asi gurukota rebazi iri, VaMthuli Ncube, vakanga vasingabatike panharembozha yavo.

Gwaro reThe Sentry rinoti VaNcube vanoramba kuti bazi ravo rinoziva zviri kuitwa naVaTagwirei.

please wait

No media source currently available

0:00 0:05:12 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG