Accessibility links

Breaking News

Paramende Yoita Mushandira Pamwe ne Masangano Akazvimirira


Jacob Mudenda
Jacob Mudenda

Mutauriri weNational Assembly, Advocate Jacob Mudenda, vanoti paramende haifaniri kutadza kuita basa rayo nekuda kwekushaya mari.

Vachitaura apo vasainirana zvibvumirano zvekushanda pamwe nemasangano anoshanda akazvimirira gumi nemana pamuzinda weparamende, VaMudenda vati hapana asingazive kuti nyika haina mari yekushandisa yakakwana uye ndosaka paramande iri kuita mushandirapamwe nemasangano aya.

Masangano aya anosanganisira remagweta, Law Society of Zimbabwe, Legal Resources Foundation, Gender and Media Connect, Southern African Parliamentary Support Trust neWomen in Parliament Support Unit.

VaMudenda vaudza Studio7 kuti vaisaina zvibvumirano nemasangano aya nekuti zvakakosha kuve neshamwari zvikuru sei panguva yekushaya.

Munyori mukuru musangano rinomirira magweta, VaEdward Mapara, vati paramende ndiyo inogadzira mitemo uye zvakakosha kuti magweta ashande nayo.

Amai Valerie Zviuya vekuLegal Resources Foundation, vaudza Studio7 kuti kunyange hazvo vange vagara vachishanda neparamende, chibvumirano chaitwa chichasimbaradza hukama uhu pakuumbwa kwemitemo.

Mukuru wesangano reGender and Media Connect, Amai Abigail Gamanya, vati vachashanda nenhengo dzeparamende dzechidzimai zvikurusei kudzidzisa zvekuburitswa kwemashoko pamwe nekushanda nevanotapa nhau.

Mazhinji emasangano aya ange agara achishanda neparamende asi nhasi asaina chisungo chekuti acharamba achishanda neparamende yechipfumbamwe kusvika muna kusvika mugore ra2023 pachaitwa dzimwe sarudzo.

Zvimwe zvichange zvichiitwa nemasangano aya kupa ruzivo kunhengo dzeparamende nevashandi veparamende, kukwenenzvera mabhiri pamwe nekupa pfungwa dzawo pamusoro pemabhiri nechinangwa chekuti paramende iumbe mitemo inofadza veruzhinji.

Sezvo paramende isina mari inokwana, masangano aya anobatsirawo nemari kuti paramende iite basa rayo zvakaita sekubvisa mari yekuti nhengo dzeparamende dzitenderere nenyika yese dzichinzwa pfungwa dzevanhu pamusoro pemitemo inenge iri kuumbwa neparamende.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:54 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG