Accessibility links

Breaking News

Paramende Yoita Basa Rayo Ichitevedza Mitemo yeCovid-19


Amai Paurina Mpariwa
Amai Paurina Mpariwa

Paramende yakazivisa nezuro kuti matare ayo ose ari maviri anoti reSeneti nere National Assembly, achatanga kusangana zvakare kutanga nhasi musi wa 16 Kukadzi 2021.

Asi kuchange kuine nhengo makumi maviri neshanu chete dzichabvumidzwa kugara mudare reSeneti, kuchitiwo nhengo makumi matatu dzichigarawo mudare repasi reNational Assembly.

Izvi zvinonzi zviri kuitwa senzira yekudzivirira kupararira kwechirwere cheCovid-19.

Paramende yakati ichabvumidzawo vatori venhau vana chete kuti vange vari mudare roga roga, vaviri vanobva kunhepfenyuro dzehurumende nevaviri vanenge vachibva kumasangano akazvimirira, avo inoti vachange vachichinjanawo nevatori venhau vanoshanda vakazvimirira.

Vatori venhau vanonzi vanofanirwa kunge vachiburitsa magwaro ekuti vakavhenekwa chirwere che Covid-19 vasati vabvumidzwa kupinda muparamende.

Mukokeri wenhengo dzeMDC-T muNational Assembly, Amai Paurina Mpariwa, vanoti vanotambira danho iri kuitira kuti paramende ishandire vanhu sezvayakaumbirwa.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa kubva kumukokeri weZanu PF apo taenda pamhepo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:07 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG