Accessibility links

Breaking News

Paramende Yoronga Kuferefeta Kuurayiwa kweVanhu Munzvimbo Dziri Kucherwa Goridhe


Zimbabwe Mugabe Flags Fly At Half Mast 2
Zimbabwe Mugabe Flags Fly At Half Mast 2

Komiti yeparamende inoona nezvezvicherwa yaita musangano wechimbi chimbi wekuzeya nyaya yekuurayiwa kuri kuitwa vanhu pamwe nekubirwa goridhe nemakoronyera anozivikanwa nerekuti “Mashurugwi” ikabuda nechisungo chekuti ichafamba nenyika yese ichiongorora nyaya iyi.

Vachitaura mushure memusangano uyu, sachigaro wekomiti iyi zvakare vachimirira Shurugwi South, VaEdmond Mkaratigwa, vati komiti yavo iri kushushikana zvikiru nekupondwa kuri kuitwa vanhu uye inoda kuziva kuti chii chiri kukonzera izvi.

Vatiwo vanoda kuona kuti dambudziko iri ringagadziriswe sei.

VaMkaratigwa vati dambudziko iri rave kukanganisa mabasa ekucherwa kwegoridhe izvo zvave kuvhiringa hupfumi wenyika.

VaMkaratigwa vaenderera mberi vachiti havangaregi dambudziko iri richienderera mberi nekudaro ongororo yavo ichasanganisira vese vane chekuita nenyaya iyi vakaita semapurisa nebazi rinoona nezvezvicherwa.

Vati komiti yavo ichaita ongororo iyi nekomiti inoona nezvekudzivirirwa kwemukati menyika uye separamende vanoda kudzika mitemo inoita kuti vanhu vaite basa ravo vakasununguka.

Vanoongorora nyaya dzehupfumi vakazvimirira, VaMasimba Kuchera, vaudza Studio 7 kuti danho ratorwa nekomiti iyi ranonoka sezvo vanhu vachida zvinhu zvinopedza kutambura kwavo nechimbi chimbi.

Vatiwo vanoshushikana kuti ongororo dzakadai dzinoramba dzichiitwa asi ivo vanhu neparamende vachiziva zvinoda kuitwa.

VaKuchera vati paramende haina simba rekusandura kana kugadzirisa zvinhu.

Komiti yeparamende iyi yaita musangano wayo mushure mekunge imwe nenhengo yeparamende, VaDexter Nduna, vanomirira Zanu PF muChegutu West, vamiswa mudare nezuro nevamwe vavo vanosanganisira mumwe mukuru wemapurisa, vachipomerwa mhosva yekuchera goridhe zviri kunze kwemutemo paine imwe nzvimbo kuChegutu.

VaNduna, sachigaro wevechidiki muZanu PF kuMashonaland West, VaVengai Musengi pamwe nemukuru wemapurisa muChegutu, Superintendent Wonder Chisikwa, nevamwe vakamiswa pamberi pedare muChegutu nezuro vachipomerwa mhosva yekuchera goridhe zvisina mvumo.

VaNduna naVaChisikwa vachadzoka mudare musi wa21 mwedzi uno uye vamwe vavo vachadzoka kudare musi wa24 Ndira.

Vanoongorora nyaya dzematongerwo enyika uye vari mukuru weZimbabwe Democracy Institute, Doctor Pedzisayi Ruhanya, vaudza Studio7 kuti kusungwa kwevamwe vakuru vakuru muZanu PF nenyaya dzegoridhe idanho rakanaka chose.

Doctor Ruhanya vati nyaya dzekuurayiwa kwevanhu nemabhemba munzvimbo dzinocherwa goridhe dzinokwanisa kupedzwa chete nemutungamiriri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa.

Kusvika pari zvino pane vanhu vakawanda vaurayiwa kana kukuvadzwa pamwe nekubirwa goridhe ravo munzvimbo zhinji munyika kusanganisira Mvuma, Chegutu, Kadoma, Shurugwi, Kwekwe neJumbo Mine kuMazowe.

Mapurisa akatosungawo vanhu vakawanda nenyaya iyi uye ari kukurudzira vanhu kuti vasiyane nenyaya yemhirizhonga munzvimbo dzinocherwa goridhe.

please wait

No media source currently available

0:00 0:05:43 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG