Accessibility links

Breaking News

Paramende Yozeya Zvakabuda Muongororo yeMotlanthe Commission?


VaKgalema Motlanthe
VaKgalema Motlanthe

Paramende iri kutarisirwa kuzeya zvakabuda muongororo yemhirizhonga yakaita mushure mesarudzo zviri mugwaro rekomisheni yaitungamirwa nevaimbove mutungamiri weSouth Africa, VaKgalema Motlanthe.

Izvi zvinotevera chikumbiro chaitwa nenhengo yeMDC muparamende.

Gwaro iri rakaburitswa neChipiri kune veruzhinji nemutungamiriri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, zvichitevera ongororo yakaitwa nekomisheni yaVaMotlanthe.

Mumiriri weMbizo muNational Assembly, VaSettlement Chikwinya, veMDC vaudza mutauriri wedare iri, Advocate Jacob Mudenda, kuti zvakakosha kuti zvakabuda muongororo iyi zvizeyiwe nedare iri sezvo zvine chekuita nedare iri pamwe nekushandurwa kwemimwe mitemo yakaita sewesarudzo.

Gurukota rezvemitemo neparamende, VaZiyambi Ziyambi, vati hapana chakaipa panyaya yaVaChikwinya uye vachapinza gwaro iri mudariro pachabva dare iri kuzororo pakati paNdira gore rinouuya.

Vanokokera nhengo dzeMDC muparamende, VaProsper Mutseyami, vaudza Studio7 vati zvakakosha kuti nhengo dzeparamende dzizeye gwaro iri nekuti pane zvimwe zvisina kujekeswa mukati maro.

Mukuru weZimbabwe Democracy Institute, Doctor Pedzisayi Ruhanya, vati kunyange paramende ikazeya gwaro iri, hazvina zvazvinobatsira nekuti mabhiri ese anobva kumutungamiriri wenyika.

Vati zviri kuna VaMnangagwa kutevedza zvakataura naVaMotlanthe nekomisheni yavo.

Asi mutauriri weCrisis In Zimbabwe Coalition, VaTabani Moyo, vati zvakakosha kuti paramende iongorore gwaro iri pamwe nekuona mutungamiriri wenyika atevedza zviri mugwaro iri.

Zvichakadai, nhengo dzeparamende dzeMDC dzaramba kutambira mifaninidzo yemutungamiriri wenyika adzapihwa neparamende pamwe nemakhadi anonzi abva kumahofisi emutungamiriri wenyika.

VaMutseyami vaudza Studio 7 kuti havana chikonzero chekutora mifanidzo iyi nekuti bato ravo haritori VaMnangagwa semutungamiriri wenyika yeZimbabwe.

VaChikwinya vatiwo kunyange dai vaida kutora mifananidzo iyi, havana kwekuisa mifanidzo iyi nekuti ivo senhengo dzeparamende dzese, havana mahofisi kana kuti maConstituency Office munzvimbo dzavanomirira.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:16 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG