Accessibility links

Breaking News

Vakuru veARDA Vanopa Paramende Magwaro Ari Kudiwa


Justice Mayor Wadyajena
Justice Mayor Wadyajena

Vakuru vakuru vekambani yehurumende, yeAgriculture and Rural Development Authority (ARDA), avo vange vari kuramba nemagwaro anoratidza mashandiro avanoita nemamwe makambani emuno neekunze, vazopa paramende magwaro aya mushure mekunge vaudzwa kuti paramende ine simba rekuvakanda mutirongo kana vakaramba vakaomesa musoro.

Sachigaro wekomiti inoona nezvekurima iyo iri kuda magwaro aya, Va Justice Mayor Wadyajena, vaudza vatori venhau kuti kunyange hazvo mukuru weARDA, VaWillard Mbona, pamwe nasachigaro wekambani iyi, VaBasil Nyabadza, vakapopotedzana nenhengo dzekomiti yavo neMuvhuro, vaunza neChipiri kuparamende magwaro ese avari kuda.

VaWadyajena vati vanofara kuti vakuru vakuru veARDA vazoita sezvinodiwa mushure mekuona simba redare reparamende.

VaWadyajena vati komiti yavo ichaongorora magwaro aya kuti vaone kuti zvisungo zviri kuitwa nekambani iyi nemamwe makambani zviri kubatsira nyika here kana kuti kwete.

Vati mushure mekuzeya nyaya iyi vachongororawo hunhu hwaVaNyabadza kuti vaone kuti vanokodzera here kuramba vari mubhodhi rekambani yakakosha seARDA.

VaWadyajena vati komiti yavo inoda kuongorora zvibvumirano zveARDA neGreen Fuels, Trek Petroleum pamwe nezvimwe zvibvumirano zvese zvayakaita nemakambani ese emuno neekunze.

Kubvira svondo rapfuura, vakuru vakuru veARDA, vange vari kuramba nemagwaro ezvibvumirano izvi vachiti hazvifaniri kuzivikamwa neveruzhinji uye mamwe makambani avakaita nawo zvibvumirano izvi anogona kutemerwa zvirango zvehupfumi nedzimwe nyika dzekunze kana akazivikanwa kuti anoshanda nehurumende yeZimbabwe.

Chisungo cheARDA neGreen Fuels kuChipinge chichiri kukonzera mutauro uye vagari veko havasi kufara nechisungo ichi sezvo vave kutorerwa minda yavo.

Mukuru wesangano rePlatform for Youth Development iro rinoshandira kuChipinge, VaClaris Madhuku, vaudza Studio7 kuti vanofara chose neongororo yave kuitwa neparamende.

ARDA ikambani yehurumende inoona nezvekurima uye ine mapurazi mumatunhu ese munyika.

ARDA inoshandawo nemakambani akawanda emuno neekunze.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:32 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG