Accessibility links

Breaking News

Nhengo dzeParamende Dzinopeta Musangano weKuzeya Bhajeti ra2020


Zimbabwe Mugabe Flags Fly At Half Mast 2
Zimbabwe Mugabe Flags Fly At Half Mast 2

Nhengo dzedare reparamende dzapeta neSvondo musangano wekuzeya nezvebhajeti regore rinouya wanga uchiitwa kunzvimbo yekushanyira yeVictoria Falls, uko vanonzi vabuda nezvisungo zvakasiyanasiyana.

Mukokeri wenhengo dzeZanu PF muparamende uye vari mumiriri weGutu South, VaPupurai Togarepi vanoti zvikuru zvasungwa pamusangano uyu, zvinosanganisira nyaya yekuti hurumende ipundutse raramo yevanochengetedza nyika vakaita semauto, mapurisa pamwe nemamwe mapoka, kuburikidza nekuvapa mihoro inovagutsa, pekugara, pamwe nezvikwanisiro mumabasa avo kuitira kuti vashande vakasununguka.

VaTogarepi vanoti mamwe mapazi akomekedzwa kuti gurukota rezvemari ritarisise kana richinge ropa mari gore rinouya anosanganisira rezvehutano nerekurima.

Vanoti vadare vakomekedza kwazvo kuti bazi rezvehutano ripiwe mari yakawanda inoita kuti rikwanise kutenga michina nemishonga zvinodiwa muzvipatara, pamwewo nekuti vashandi vehurumende vabhadharwe mari dzinoita kuti vakwanise kurarama

Nhengo dzeparamende dzinosvika mazana matatu nemakumi mashanu pamwe nevemamwe mapoka avanoshanda nawo vanga vachisangana kwemazuva mashanu kuVictoria Falls, uko vamwe vanoti kwaive kutambisa mari iyo nyika ichitatarika.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG