Accessibility links

Breaking News

Veruzhinji Voratidzwa Zvinoitwa Muparamende


Parliament of Zimbabwe Open House
Parliament of Zimbabwe Open House

Mutauriri weNational Assembly, Advocate Jacob Mudenda, vaparura zviratidzwa zvekutanga zveparamende vachiti kubatana kunoita nhengo dzeparamende kubva kumapato ese ari muparamende, zvikurusei mumakomiti, kunofanira kutevedzwa neveruzhinji munyika kuti nyika ibudurire.

VaMudenda vati kunyange hazvo paramende iine nhengo dzinobva kumapato akasiyana siyana, nhengo idzi dzinobatana nekuita basa radzo nemazvo mumakomiti.

VaMudenda vati paramende yashanduka zvakanyanya kubva muna 1980 uyewo yakadzika mitemo yakawanda inosanganisira yekupa minda kune veruzhinji pamwe nekuvapawo masimba munyaya dzehupfumi.

Asi vati shanduko huru yakaitika muna 2000 apo pakapinda bato guru rinopikisa reMDC muparamende.

Vatiwo paramende yave kuvandudza mabasa ayo nekubvunzurudza veruzhinji nekuvapawo mukana panyaya dzekunyorwa kwemitemo pamwe nemafambisirwo ehurumende.

VaMudenda vati chiitiko chanhasi chakanangana nekuvandudza hukama hweparamende pamwe neveruzhinji.

Vanokokera nhengo dzeMDC-T muparamende, VaInnocent Gonese, vatiwo vanofara chose neshanduko yakaitika muparamende.

Asi vatiwo handi mitemo yose iri kupasiswa inofadza uye havana simba rekumisa kudzikwa kwemitemo iyi sezvo vasina huwandu hunodiwa kuti varambidze izvi.

Senator Ethel Mabhugu vekwaGutu vati zuva ranhasi rafamba zvakanaka chose uye vamwe vekudunhu kwavo vavauadza kuti havasi kufara nenyaya yekuti hakuna migwagwa yakanaka nezvikoro.

Vanomirira Buhera South muNational Assembly, VaJoseph Chinotimba, avo vange vachifarirwa zvakanyanyaya nevanhu vapinda muParliament Open Day vati kufarirwa kwavo kunoratidza kuti vanoita basa ravo nemazvo.

Asi VaChinotimba vati havana kufara nekuti vanhu vekudunhu kwavo havana kukwanisa kuuya kuHarare kuzopinda muzviratidzwa zvanhasi.

VaJoseph Saurombe vanogara mumusha weGlenview vanoti zviratidzwa zvanhasi zvafamba zvakanaka uye vadzidza zvizhinji pamusoro peparamende.

Asi vamwe vaudza Studio 7 kuti havana mufaro nekuti makurukota ehurumende haana kupinda muzviratidzwa zvanhasi.

Mumwe wevanhu ava, VaArtwel Ncube, vanoti vange vaine mubvunzo yakawanda kumakurukota ehurumende.

Makurukota ehurumende inhengo dzeparamende zvekare.

Zvichakadai nhengo dzeMbare Chimurenga Choir dzapinda muzviratidzwa zvanhasi dzakapfeka mbatya dzebatio radzo reZanu PF uye dzazodzingwa mushure mekunge nhengo dzeMDC T dzagunun’una.

Nhengo yeMDC T muNational Assembly Amai Concilia Chinanzvavana ndemumwe weavo varatidza kusafara neMbare Chimurenga Chior.

Masangano anoshanda neparamende akaita seSouthern African Parliamentary Support Trust, World Bank, UNDP nemamwe ari kuratidzirawo pazviratidzwa izvi zvichapera Chishanu.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:06:18 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG