Accessibility links

Breaking News

Paramende Yoenda kuZororo Isina Kuvandudza Bhiri reMitemo yeSarudzo


Members of the House of Assembly sit inside the Zimbabwean Parliament in Harare, Nov. 21 2017.
Members of the House of Assembly sit inside the Zimbabwean Parliament in Harare, Nov. 21 2017.

Nhengo dzeparamende idzo dzakakokwa zvechimbichimbi svondo rino, kuti dzizozeya bhiri rekuvandudza mutemo wesarudzo, reElectoral Amendment Bill, dzadzokera zvakare kuzororo dzisina kuzeya bhiri iri mushure mekunge dzabvumirana kuti dzinoda nguva yekuongorora zvitsva zviri mubhiri iri.

Nemusi weChipiri nhengo dzeMDC-T dzakaramba kunzwa bhiri iri dzichiti dzaida kumboongorora zvitsva zvainge auuya negurukota rezvemutemo, VaZiyambi Ziyambi.

VaZiyambi vakaramba nemusi weChitatu kutura bhiri iri vachiti Amai Priscillah Misihairambwi Mushonga, avo vanewo mitemo mitsva yavari kuda kuti izeyiwe, vange vasiri mudare.

Amai Misihairambwi Mushonga vange vasi mudare zvakare nhasi.

Vanokokera nhengo dzeMDC-T muparamende, VaInnocent Gonese, vaudza Studio 7 kuti vafonerwa naVaZiyambi kuti vapanane nguva yekuzeya ma amendments matsva kubva kumapato ese vozeya bhiri pavanodzoka kuzororo.

Nyanzvi munyaya dzemutemo vachishanda nesangano Human Rights Watch, VaDhewa Mavhinga, vaudza Studio7 kutihapachina nguva yekuti nhengo dzeparamende dzirambe dzichienda kuzororo dzisina kugadzirisa mutemo uyu nekuti nguva yesarudzo yave pedyo.

Mukuru weDemocracy Institute of Zimbabwe, Doctor Pedzisai Ruhanya, vati nhengo dzeparamende hadzifaniri kumhanyira kuzororo nyaya iyi isina kugadziriswa.

Zvichakadai munyika maita mutauro zvichitevera kusvika munyika neChitatu kweimwe ndege yakatengwa nehurumende kuMalayasia pasi pekambani yeZimbabwe Airways.

Dzimwe nhengo dzeparamende dzakumbira gurukota rezvekutakurwa kwezvinhu, VaJorum Gumbo, kuti vatsanagurire kunyika yese kuti zviri kufamba sei uye kuti muridzi wekambani iyi ndiyani.

Nhengo isina bato rainomirira asi vachimirira Norton, VaTemba Mliswa, vati VaGumbo vanofanirawo kutsanangura kuti ndivanani varidzi veZimbabwe Airways uye pamwe nekuti varidzi vekambani yeZimbabwe Aviation Leasing Company (ZALC) ndivanani sezvo pane runyerekupe rwekuti kambani iyi yakanyoreswa kuSingapore.

VaGumbo vati vachaita izvi uyewo manyepo ekuti ZALC ikambani yekuSingapore vachiti ikambani yemuZimbabwe.

Bato rinopikisa rePeoples Democratic Party, PDP, rati pane zvakawanda zvisina kujeka panyaya iyi zvinoda kuongororwa.

PDP inoti iyo nevamwe vayo vari muMDC Alliance vanoda kuti paumbwe komisheni ichaongoroa kuti chii chakaitika uye paramende iongorore kutengwa kwendenge idzi.

PDP inodawo kuziva kuti kushandisa ndege idzi hakupinzi vanhu munjodzi here sezvo Malaysian Aiarways yakatengesa ndege idzi mushure mekurega kudzishandisa.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:15 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG