Accessibility links

Breaking News

Paramende Yozeya Mutemo weSarudzo weElectoral Amendment Bil


Nhengo dzeparamende dziri kuzeya mutemo wesarudzo pamwe nekupinza unobata mapato ezvematongerwo enyika.
Nhengo dzeparamende dziri kuzeya mutemo wesarudzo pamwe nekupinza unobata mapato ezvematongerwo enyika.

Dare reNational Assembly riri kuzeya mutemo wesarudzo weElectoral Amendment Bill, uye chibvumirano chemapato ezvematongerwo enyika chekuita sarudzo dzakachena dzisina mhirizhonga, cheElectoral Code of Conduct for Political Parties and Candidates and Other Stakeholders chapinzwawo mubhiri iri kuti chive mumutemo wesarudzo.

Bhiri iri rakanangana nekuvanduza mitemo yesarudzo kuti nyika ikwanise kuita sarudzo dzakachena.

Zvimwe zviri kudiwa nemapato anopikisa kuti mapato aya avewo nechekuita pamwe nekuongorora kudhindwa kwemagwaro ekuvhotesa kana kuti maballot papers.

Mapato aya anodawo kuti mitemo yesarudzo usungire mapato kuti ape mukana wakaenzana kuvanhukadzi nevanhurume pazvinzvimbo zvese zvino kwikwidzwa musarudzo.

Chibvumirano chemapato chekuita sarudzo dzakachena icho chapinzwa mumitemo yesarudzo, chinorambidza nyaya dzemhirizhonga uye chinosungira kuti vemapato, vemasangano anoshanda akazvimirira, vanokwikwidza musarudzo vapanane mukana pamwe nekuregawo vamwe vachitaura pfungwa dzavo pamwe nekupinda mumisangano pamadiro.

Chibvumirano ichi chinosungurirawo kuti vanhu vapihwe mukana wekuzvishambadza uye chinoti vaye vachazenge vachibvisa kana kubvarurwa zvinyorwa zvevamwe kana kuti maposters, varangwe nemutemo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:42 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Chibvumirano ichi chinorambidzawo kutenga vavhoti kana kutyityidzira vanhu kuti vavhotere bato rinenge richida munhu.

Chinorambidzawo vemapato kuti vataure zvinenge zvabuda musarudzo zvisati zvaziviswa neZimbabwe Electoral Commission.

Mukuru wesangano rePlatform for Youth Development, VaClaris Madhuku, vati danho rekuisa chibvumirano chemapato mumutemo wesarudzo chakanaka chose.

VaMadhuku vati sezvo wave mutemo vanenge vautyora vacharangwa.

Vati kana mutemo mutsva wesarudzo ukatevedzwa, nyika inogona kuita sarudzo dzakachena.

Chibvumirano ichi chinosungirawo vemapato ezvematongerwe enyika kurega vatapi venhau vachipinda mumisangano yawo yekutsvaga rutsigiro pamwe nekuvachengetedza.

Mukuru weMedia Institute of Southern Africa – Zimbabwe, VaTabani Moyo, vati vanofara nenyaya yekuti vatapi venhau vachengetedzwe pavenenge vachiita basa ravo.

VaMoyo vati vatapi venhau vanogara vachishungurudzwa nemapato ezvematongerwo enyika zvikuru munguva yesarudzo uye mutemo unofanira kubuda nezvirango zvakaomarara kune vanoshungurudza vatapi venhau.

Dare richiri kuzeya bhiri iri uye rinotarisirwa kuripasisa chero nguva

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG