Accessibility links

Breaking News

VaChinamasa Vokurudzirwa Kuwedzera Mari kuBazi rezveHutano


Mutauriri weparamende VaJacob Mudenda
Mutauriri weparamende VaJacob Mudenda

Mutauriri weNparamende, VaJacob Mudenda, neMuvhuro vakaudza nhengo dzeparamende kuti dzikumbire gurukota rezvemari, VaPatrick Chinamasa, kuti vawedzere mari yavakapa kuparamende pamwe nebazi rezvehutano mubhajeti ra2018 vachiti mari yakapihwa mapazi maviri inoatadzisa kuita basa rawo nemazvo.

Vachitaura pamusangano wekuzeya bhajeti ra2018, VaMudenda vakati mari yakapihwa paramende ishoma chose uye paramende haikwanisa kuita basa rayo nemazvo kana mari iyi ikasawedzerwa.

Vakatiwo zvinhu hazvina kumira zvakanaka munyaya dzehutano uye nhengo dzeparamende dzinofanira kuudza VaChinamasa kuti vawedzere mari kubazi iri kuti vanhu vawane hutano hunokodzera.

VaMudenda vakati bazi rehutano rinofanira kuwana mari yakawanda kudarika mapazi ese ehurumende vachiti nyika haigoni kubudirira kana vanhu vasina hutano.

Vakati bumbiro remutemo wenyika rinosungirawo kuti vanhu vawane hutano hwakanaka asi mari yakapihwa bazi iri haikwani kuti riite basa sezvinotarisirwa neveruzhinji.

VaMudenda vakati kana hurumende isina mari inofanira kupa bazi rezvehutano zvikamu gumi nezvishanu zvebhajeti rese sezvakabvumiranwa pasi pechiga cheAbuja Declaration.

Sachigaro wekomiti yeparamende inoona nezvehutano, Doctor Ruth Labode, vakatiwo mashoko aVaMudena akanaka chose uye vanobvumirana nawo.

Asi vakati mari isati yawedzerwa, mashandiro ezvipatara anofanira kuongororwa.

Vakatiwo bhajeti rehutano rinokwanisa kusvika pazvikamu gumi nezvishanu zvebhajeti kana mari yemutero wehutano inobhabhadharwa nevanoshandisa mbozhanhare ikashandiswa zvakanaka.

Mumiriri weMberengwa North, VaTafanana Zhou, vakatiwo vanobvumirana nekuti bhajeti rehutano riwedzerwe sezvo mabasa ehutano asina kumira zvakanaka munyika.

Mumiriri weMutare South, Amai Nyasha Chikwinya, ndemumwewo akati anotsigira kuti bazi rehutano riwedzerwe mari.

Pabhajeti ra2018 bazi rehutano rakapihwa mamiriyoni mazana mana emadhora inove mari iri pasi pasi pezvikamu gumi nezvishanu zvebhajeti rese remabhiriyoni mashanu emadhora.

Paramende yakapihwa mamiriyoni makumi mashanu nemanomwe emadhora kunyange hazvo iyo yaida mari inodarika zana remamiriyoni emadhora.

VaMudenda vanoti mari iyi ishoma uye paramende haikwanisi kuita basa rayo rekuongorora mashandiro ehurumende nemakambani ayo pamwe nekunzwa pfungwa dzevanhu pakuumba mitemo.

Mumiriri weHarare West, Muzvare Jessie Majome, vakati zviri pachena kuti paramende iri kutadza kushanda nemazvo nekuda kwemari shoma yaiinowana kubva kubazi rezvemari.

Vakati mari inopihwa kuparamende inofanira kuwedzerwa kuitira kuti paramende iite basa nemazvo.

Muzvare Majome vakati ivo senhengo dzeparamende vanofanira kuona kuti vazvipa mari yekuita basa ravo nemazvo sezvo vari ivo vanopasisa mabhajeti.

Nhengo dzeparamende dziri kuzeya bhajeti uye dzinotarisirwa kuri pasisa apo dzichatanga basa zvichitevera kupera kwezororo reKisimusi negoredzva.

Nhengo idzi dzine simba rekumanikidza gurukota rezvemari kuti rivandudze bhajeti iri dzisati dzaripasisa kuti ritange kushanda.

Nyaya ina Godwin Mangudya
please wait

No media source currently available

0:00 0:05:00 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG