Accessibility links

Breaking News

VaSaruwaka Vopikisa Kudzingirwa Bhachi Ravainge Vakapfeka Muparamende


VaTrevor Saruwaka
VaTrevor Saruwaka

Mutauriri wedare reNational Assembly, VaJacob Mudenda, vanoti vane mvumo yekurambidza nhengo dzedare iri kuti dzisapfeka zvadzinoda nekuti mudare munogona kuita nyonga nyonga kana nhengo dzikauya dzakapfeka zvadzinoda.

Mutauriri wedare reNational Assembly, VaJacob Mudenda, vanoti vane mvumo yekurambidza nhengo dzedare iri kuti dzisapfeka zvadzinoda nekuti mudare munogona kuita nyonga nyonga kana nhengo dzikauya dzakapfeka zvadzinoda.

VaMudenda vakataura izvi mugwaro ravakanyorera kudare repamusoro soro vachipindura nyaya yakakwidzwa nemumiriri weMutasa South, VaTrevor Saruwaka veMDC-T, avo vari kuda kuti dare iri rivape mvumo yekupfeka bhachi ravo rakafana nemureza wenyika mushure mekunge vadzingwa muparande vapinda mudare vakapfeka bhachi iri.

Muna Chivabvu gore rapfuura VaMudenda vakarambidza kupfekwa kwemabhachi kana kuunzwa kwemireza yanyika muparamende mushure mekunge nhengo dzebato guru rinopikisa munyika reMDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai dzauya dzakapfeka mabhachi ane mavara emureza yenyika pamwe nemireza yacho mudare.

Vakaita izvi mushure mukuratidzira kwamufundisi, Evan Mawarire,pasi pechirongwa chavo cheHashtag This Flag.

Asi kunyange hazvo VaMudenda vakange varambidza kupfekwa kwemabhachi ane mavara emureza wenyika, nhengo dzeMDC-T dzakaita saVaSaruwaka dzakaramba dzichiiuya kudare dzakapfeka mabhachi aya izvo zvakazoita kuti dzidzingwe mudare.

Mushure mekudzingwa mudare kaviri, VaSaruwaka vakazokwidza nyaya yavo kudare repamusoro vachiti havawoni chakaipa pabhachi ravo, uyewo vachitiwo semutenderi wechiRasta vanopfeka bhachi rine mavara echitendero chavo awo akafananawo nemavara emureza wenyika.

VaSaruwaka vanotiwo VaMudenda vari kutyora kodzero dzavo nekuvadzinga pamwe nekuvarambidza kupinda muparamende.

Asi VaMudenda vanoti vakatopa mutongo panyaya iyi uye vanopiwa simba rekuita izvi nemutemo weparamende weStanding Rules and Orders.

Asi gweta raVaSaruwaka, VaKudzayi Kadzere, vanoti hapana chakashata pabhachi raVaSaruwaka uye vanoda kuti dare repamusoro ripe mutongo wekuti zvakashata here kuti munhu apfeke hembe kana bhachi rinoenderana nechitendero chakeuyewo kuti chii chakaipa kuti vanhu vapfeke hembe dzine mavara emureza wenyika yavo.

Pamashoko aVaMudenda ekuti vanopihwa simba rekurambidza nhengo idzi kupfeka zvadzinoda, VaKadzere vanoti maStanding Rules and Orders eparamende anotaura chete kuti nhengo dzedare dzinofanira kupfeka mabhachi asi haataure ruvara rwemabhachi anofanira kupfekwa.

Asi VaMudenda vanoti hapana chinoshamisa pakudzingwa kwaVaSaruwaka mudare iri vakapfeka zvisingadiwe pamutemo vachiti handiwo vega vakadzingwa mudare nekuda kwaizvozvo.

Vanoti semuenzaniso VaJustice Mayor Wadyajena veZanu PF vachimiriraGokwe Nembudziya muNational Assembly, vakadzingwa mudare iri mushure mekunge vapinda vakapfeka zvipfeko zvebato ravo muna Chikunguru.

VaKadzere vanoti vapedza kugadzira musoro wenharo kana kuti Heads of arguments uye vanotarisira kuti nyaya yavo ichanzikwa mwedzi unouya.

Muna Gumiguru mapurisa akapinda mudare iri nechisimba mushure mekunge mamuka mhirizhonga apo mumiriri weBudiriro muNational Assembly, Va ……..,vakapinda mudare vakapfeka bhachi rakaita seraVaSaruwaka vakaramba kubuda mudare mushure mekunge vanzi vabude vanobvisa bhachi ravo.

VaMudenda neparamende vari kumiririrwa negweta VaSimplicius Chihambakwe panyaya iyi.

Studio7 haina kunzwa divi raVaChihambakwe panyaya iyi.

Nyaya Ina Irwin Chifera
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:16 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG