Accessibility links

Breaking News

Paramende Inotadza Kuzeya Bhiri Rinovandudza Mitemo yeSarudzo


Members of the House of Assembly sit inside the Zimbabwean Parliament in Harare, Nov. 21 2017.

Dare reparamende ratadza kuzeya bhiri rekuvandudza mutemo wesarudzo, reElectoral Amendment Bill, mushure mekunge gurukota rezvemitemo, VaZiyambi Ziyambi, vati dare iri riparare kusvika China vasina kutaura nezvebhiri iri sezvange zvakatarisirwa.

Izvi zvatsamwisa nhengo dzedare rinopikisa reMDC-T idzo dzati dzakange dzakazvipira kuzeya bhiri sekutaurwa kwange kwakaitwa naVaZiyambi neChipiri.

Mushure mekuramba kwenhengo dzeMDC-T kuti dare riparare, vange vakasanobata chinzvimbo chemutauriri wedare kana kuti Speaker of Parliament, VaReuben Marumahoko, vabva vati nhengo dzedare iri dzivhote.

Asi izvi hazvina kufadza nhengo dzeMDC zvekare.

Vanokokera nhengo dzeMDC-T muNational Assembly, VaInnocent Gonese, vaudza Studio7 kuti vashamiswa nekuita kwaVaZiyambi sezvo vange vakabvumirana kuti vaizozeya bhiri iri muparamende.

Vati zvave kuratidza sekuti VaZiyambi nebato ravo reZanu PF havachada zvekuvandudza mitemo yesarudzo.

Vatiwo havachina chivimbo chekuti bhiri iri richazeiwa mangwana.

Asi VaZiyambi vaudza Studio 7 kuti hazvaiita kuti vaenderera mberi nekuzeya bhiriri sezvo, Amai Priscillah Misihairabwi Mushonga, avo vaneAmendment iri kuda kuzeiwa iri pekutanga vange vasi mudare.

Asi VaGonese vaudza Studio7 ichi handi chikonzero chine musoro sezvo Amendment yaAmai Misihairambwi Mushonga yange ichikwanisa kuiswa parutivi kudzamara vadzoka.

Amai Priscillar Misihairambwi Mushonga vari kutenderera nenyika neimwe komiti yeparamende uye havatarisirwi kunge vari mudare mangwana.

Zvimwe zviri kuda kuvandudzwa ndezvekuti mutemo wesarudzo usungire kuti varume nevakadzi vawane mukana wakafanana musarudzo uyewo kuti mapato ezvematongerwo enyika asungirwe kudomwa vakadzi nevarume pazvinzvimbo zvin kwikwidzwa musarudzo.

VaGonese nebato ravo vanodawo zvinhu zvakawanda zvinosanganisira kuti mutemo wesarudzo unofanira kudoma kuti Zimbabwe Electoral Commission ngaizivise mapato ose anopinda musarudzo kunodhindwa maballot papers pamwe nekuona kuti izvi zvinoitwa sei.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:18 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG