Accessibility links

Breaking News

Ambassador Nichols Vanoti Mitemo Ngaienderane neBumbiro reMitemo yeNyika


Ambassador Brian Nichols

Mumiriri weAmerica muZimbabwe, Ambassador Brian Nichols, vanoti hurongwa hwakaturwa mudare reparamende nemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, hwakanaka chose asi chasara ndechekuti hutevedzwe.

Vachitaura pachirongwa chekambani ye263Chat, Ambassador Nichols vati zvakakosha kuti hurongwa uhu hutevedzwe kuitira remangwana rakanaka renyika.

Vatiwo Zimbabwe inogona kubudirira chose kana mabhiri ese makumi maviri nemanomwe akataurwa naVaMnangagwa akapaswa neparamende.

Vatiwo mitemo yose inofanirwa kuti ienderane nebumbiro remitemo yenyika kuitira kuti zvinhu zvifambe zvakanaka munyaya dzemitemo nekodzero dzevanhu

Vatiwo nyika yavo iri kubatsira Zimbabwe munyaya dzedzidzo, chikafu nezvimwe uye vati kutaura kudai pane nyanzvi kubva kubazi rehurumende yeAmerica reCenters for Diseases Control dziri kuuya kuZimbabwe kuzobatsira kurwisa chirwere chekorera icho chatekeshera nenyika yose.

Ambassador Nichols, avo vaitawo musangano negurukota rezvekudzivirirwa kwenyika, Amai Oppah Muchinguri Kashiri, vatiwo kunyange hazvo sarudzo dzemuZimbabwe dzisina kusvika paitarisirwa nenyika dzepasi rese, danho rekudoma komisheni yekuongorora kupfurwa kwevanhu musi wa 1 Nyamavhuvhu rakakosha chose.

Vati hazvifaniri kuperera mukuongorora chete asi kuti vanenge vabatwa nemhosva vanofanira kurangwa.

Zvichakadai, nhengo dzeparamende dzatanga kuzeya mosheni yekurumbidza mutungamiri wenyika nemashoko avo pakuvhura paramende.

Amai Goodlucky Kwaramaba ndivo vatura mosheni iyi kudare vachirumbidza mutungamiriri wenyika nemabhiri avakati azeyiwe nedare iri.

Vamwe vataurawo pamusoro pemosheni iyi vanosanganisira mumiriri weBuhera South, VaJoseph Chinotimba, avo vasekesa nenhengo dzedare iri apo vati kubuda kwakaita nhengo dzebato rinopikisa paivhurwa paramende huwori.

Asi mutauriri wedare iri, Advocate Jacob Mudenda, havana kufara nekuita kwaVaChinotimba.

Mumiriri weNorton, VaThemba Mliswa, avo vasina bato ravanomirira vatenda vanhu vekuNorton nekuvatsigira vachisiya mapato makuru munyika eZanu PF neMDC.

Vatendawo VaMnangagwa nechitsidzo chavo chekurwisa huwori asi vakati havasi kufara kuti mamwe makurukota ehurumende pamwe nenhengo dzeparamende dziri kuita huwori havasi kusungwa.

Vati makurukota anodoma nhengo dzemabhodhi emakambani ehurumende anobatwa nemhosva dzehuwori anofanira kusungwawo.

Vapa semuenzaniso vaive gurukota rezvevashandi, Amai Priscah Mupfumira, avo vati vaifanirawo kusungwa pakasungwa nhengo dzebhodhi rekambani yeNational Social Security Authority nenyaya dzehuwori.

VaMliswa vatiwo vanotarisira kuona makurukota ehurumende achidzingwa pamwe nekusungwa nenyaya dzehuwori.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:43 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG