Accessibility links

Breaking News

VaMudenda Vomhang'arira Makurukota Asiri Kuuya kuParamende


Zimbabwe Speaker of Parliament Jacob Mudenda presides over a parliament session where a motion is moved to impeach President Robert Mugabe, Nov. 21, 2017 at the Zimbabwean Parliament in Harare, Zimbabwe.
Zimbabwe Speaker of Parliament Jacob Mudenda presides over a parliament session where a motion is moved to impeach President Robert Mugabe, Nov. 21, 2017 at the Zimbabwean Parliament in Harare, Zimbabwe.

Mutauriri weparamende, Advocate Jacob Mudenda, varatidza kusafara nemaitiro emakurukota ehurumende ayo asiri kuenda kuparamende kunopindura mibvunzo kubva kunhengo dzeparamende, vachiti vachamhan’ara nyaya iyi kumutungamiriri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, kuti vatore matanho.

Pasi pemutemo yeparamende, vatevedzeri vemutungamiriri wenyika, makurukota ehurumende nevatevedzeri vavo, vanofanira kuzivisa paramende kana vasingakwanise kuenda kuparamende kunopindura mibvunzo neChitatu chega chega.

Asi nhasi mudare mange mune makurukota maviviri chete, pamukurukota nevatevedzeri vano vanodarika makumi mana.

VaMudenda vati aka ndekekutanga kuti mudare muve nemakurukota mashona kudai uye vaudza munyori weparamende, VaKennedy Chokuda, kuti vataure nemunyori wedare remakurukota, VaMisheck Sibanda, kuti vanzwe kuti makurukota aya ange ari kupi.

VaMudenda vati vachamhan’ara nyaya iyi kumutungamiriri wenyika nhasi chaiko.

Makurukota edzidzo yepasi neyepamusoro VaPaul Mavhima naVaAmon Murwira ndivo chete vange vari mudare paratanga basa.

Mumiriri weMutare Central, VaInnocent Gonese, vatiwo havasi kufara kuti vatevedzeri vemutungamiriri wenyika, VaKembo Mohadi naVaCostantine Chiwenga, havasi kuuyawo kudare kuzopindura mibvunzo kubva kuparamende.

Nyaya yekuti makurukota ehurumende pamwe nevatevedzeri vemutungamiriri wenyika havasi kuenda kuparamende kunopindura mibvunzo yave nenguva ichiitika izvo zvave kutsamwisa vakawanda mudare iri nemunyika.

Mukuru wesangano rePlat Form for Youth Development, VaClaris Madhuku, vaudza Studio 7 kuti zvakakosha kuti apo zvinhu zvakamira manyama amire nerongo munyika, makurukota ehurumende anofanira kupindura mibvunzo inobva kune veruzhinji.

Vatiwo VaMnangagwa pachavo vanofanira kuona zvavangaiite nevatevedzeri nemakurukota avo.

Zvichakadai nhengo dzedare dzakawanda dzange dzichida kuziva kuti sei hurumende yakakwidza mutengo wepeturu nedhiziri dzisina kunzwawo pfungwa dzenhego dzeparamende.

VaMasango Matambanadzo vanomirira Kwekwe Central vati pari zvino havana zvekutaura apo vanobvunzwa nevanhu nezvenyaya iyi nekuti havana zvavakaudzwa.

Asi gurukota rezvemutemo pamwe neparamende, VaZiyambi Ziyambi, avo vazouya kudare pave paye, vati nhengo dzeparamende dzichawana mukana wekubvunza gurukota rezvemhando dzemoto, VaFortune Chasi, neChina mushure mekunge vatura mashoko pamusoro pemutengo wepeturu nedhiziri pamwe nematanho ari kutorwa nehurumende kugadzirisa nyaya iyi.

Mumiriri weNorton, VaTemba Mliswa, vati dai zvaibvira nhengo dzeparamende dzinofanira kupihwa garaji radzinowana peturu nedhiziri vachiti vave kupedza nguva vari mumitsetsa pamagaraji izvo zvave kuvatadzisa kuita basa ravo.

VaMudenda vati nyaya iyi nedzimwe dzataurwa naVaMliswa dzichazeiwa pamusangano wekomiti inoona nezvekufambiswa kwebasa yeStanding Rules and Orders Committee neChina.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:58 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG