Accessibility links

Breaking News

Chipatara cheParirenyatwa Chowandirwa neVanhu Vanoda Kubayiwa Nhomba yeCovid-19


Zinbabweans wait in a long line to be vaccinated

Veruzhinji vari kukurudzira hurumende kuti nhomba yeCovid-19 iwanikwe nyore muzvipatara zvese zveveruzhinji.

Kurudziro iyi yaitwa sezvo zvipatara zvishoma zvemuHarare zviri kuwandirwa nevanhu vari kuda kubayiwa nhomba.

Mazana nemazana evanhu vanga vakaungana nhasi paParirenyatwa Hospital vachida kubayiwa nhomba yekutanga, asi izvi hazvina kuitika sezvo chipatara ichi chichikwanisa kubaya nhomba vanhu mazana mashanu chete pazuva.

Harare - people waiting to be vaccinated
Harare - people waiting to be vaccinated

Nekuda kwehuwandu hwevanhu vari kuda kubaiwa nhomba, chipatara cheParirenyatwa chave kuti vanhu vatange vanyoresa vopiwa zuva rekuzobaiwa. Vanhu vanga vachinyoresa nhasi vapiwa musi weChipiri kuti vazobaiwa nhomba yekutanga.

Mumwe mudzimai angoda kuzivikanwa nekuti Chihera wekuWarren Park, ati asvika na 5 dzemangwanani akawana nhamba 108 yekumira mumutsetse. Amai ava vati kumakirinika ekanzuru ari kunzvimbo kwavo hakuna nhomba yekutanga.

Mumwe mudzimai, Amai Angela Matanda, vati vasvika paParirenyatwa kuma 4 mamgwanani vachibva kumusha weChitungwiza. Vati hurumende inofanirwa kuisa nhomba yekutanga mumakiriniki ose ari munyika.

VaLlyod Jiro, avo vabva kuMt Pleasant, vatiwo vange vatenderera makirinika akawanda vachida kubayiwa nhomba yekutanga vakati vaziviswa kuti paParirenyatwa nekuSally Mugabe ndiko chete kwanga kuchibaiwa nhomba yekutanga.

Mutauriri weParirenyatwa, VaLinos Dhire vaudza Studio 7 kuti nekuda kwekuti vanhu vakawandisa vari kuda kubayiwa nhomba, chipatara ichi chava kutanga chanyoresa vanhu, vopihwa mazuva ekuuya.

Parirenyatwa Hospital spokesman, Linos Dhire
Parirenyatwa Hospital spokesman, Linos Dhire

VaDhire vati chipatara chavo chinokwanisa kubaya vanhu vanosvika mazana mashanu. Asi vatiwo pazuva panogona kunyoresa vanhu vanosvika churu chimwe chete vachipiwa mazuva ekuuya.

VaEarnest Gwindi, avo vanga vari muraini rekunyoresa vaudza Studio 7 kuti vanga vauya vane tarisiro yekubayiwa asinekuda kwehuwandu hwevanhu, vakundikana.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa divi rehurumende panyaya iyi sezvo tatadza kubata mutauriri webazi rezvehutano, VaDonald Mujiri, pamwe nemutevedzeri wegurukota rezvehutano, VaJohn Mangwiro.

Asi hurumende yakazivisa nezuro kuti iri kutarisira kutambira nhomba mamiriyoni maviri mangwana kubva kuChina.

Hurumende yakazivisawo nezuro kuti vanhu makumi maviri nevasere vakafa nechirwere cheCovid-19, uye vanhu chiuru chimwe chete nemazana mapfumbamwe nemakumi mana nevapfumbamwe, vakabatwa nechirwere ichi nezuro wakare.

Vanhu vafa nechirwere ichi munyika yose vava chiuru nemazana mapfumbamwe nemakumi matatu nevapfumbamwe.

Hurumende inoti vanhu vabayiwa nhomba yekutanga kusvika nezuro vakanga vava zviuru mazana masere nezvinomwe nemazana matanhatu nemakumi matatu nevatatu 807,633, uye vabayiwa nhomba yepiri vava zviuru mazana mashanu nemakumi manomwe nezvina nemazana mapfumbamwe nemakumi matatu nevana 574 934.

Huwandu uhu hunotarisirwa kukwira nhasi manheru apo hurumende ichazivisa zvayawana muongororo dzaitwa nhasi.

Hurumende inoti ine hurongwa hwekubaya vanhu nhomba yeCovid-19 vanosvika mamiriyoni gumi, kana kuti zvikamu makumi matanhatu kubva muzana zvevanhu vari munyika.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:53 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG