Accessibility links

Breaking News

Masangano Opesana Pamusoro peHonzeri yeChipatapata kuZvitoro


Vanhu vachitenga zvinhu muzvitoro
Vanhu vachitenga zvinhu muzvitoro

Pane kupesana kukuru pakati pemakambani anogadzira mafuta, vamwe vemaindasitiri uye hurumende pamusoro pezviri kuitika panyaya yemafuta zvichitevera chipatapa chakaitika mukupera kwesvondo apo veruzhinji vakatsvaira zvinhu zvaive muzvitoro pachityirwa kuti zvinhu zvichashaikwa munyika.

Kupesana uku kwabuda pakati peConfederation of Zimbabwe Industries, CZI,pamwe nesangano re Oil Expressers Association of Zimbabwe, masangano maviri aya achipa muonero wakasiyana.

Mukuru wesangano revemaindasitiri, reCZI,VaSifelani Jabangwe, vati maindasitiri, zvikurusei anogadzira mafuta, ane mafuta akawanda uye mafuta akapera zvichitevera kuvhunduka kwakaita vanhu nekuda kwemashoko aibuda paSocial Media.

Vatiwo vakatoshamiswa nekukwidza kwakaitwa mutengo uye vati vano gadzira zvinhu havana kukwidza mitengo.

Asi sangano re Oil Expressers Association of Zimbabwe ratiwo ichokwadi kuti hapana mafuta anokwanira nyika nepamusana pekuti nhengo dzaro, idzo dzinoda mamiriyoni mashanu emadhora pasvondo kuitira kuti dzigadzire mafuta, dziri kuwana mamiriyoni maviri chete pasvondo izvo zviri kudzitadzisa kugadzira mafuta anokwanira nyika.

Mutungamiriri werimwe sangano rinomirira vane zvitoro, reConfederation of Zimbabwe Retailers, VaDenford Mutashu, vati nyaya yepamadandemutande ndiyo yakakonzeresa kuti vanhu vatenge zvinhu zvakawanda kudarika zvavanotenga mazuva ese.

Vatiwo vanhu havafaniri kuterera zvese zvinobuda pamadandemutande uye vari kukonzeresa nyonga nyonga vanofanira kusungwa.

Asi mumashoko aro kune veruzhinji, sangano reOil Expressers Association rati rinoda mari inoita makumi maviri emamiriyoni pamwedzi kuitira kuti rigadzire mafuta.

Sangano iri rati pari zvino riri riri kukwanisa kugadzira mafuta anosvika zvikamu makumi mana nezvina kubva muzana, zvichirevera kuti pane zvikamu makumi mashanu nezvitanhatu kubva muzana zvemafuta zvisiri kugadzirwa.

Sangano iri rati izvi zviri kukonzerwa nemari yekunze iyo isiri kuwanikwa nyore.

Mutengo yezvinhu zvakaita semafuta yakakwira zvakapetwa kaviri kana kudarika kubvira musi weChishanu kusvika nezuro uye zvakatengwa zvikapera kunyange zvainge zvave kudhura zvakanyanya.

Vati Mutashu vati vakaita musangano nemukuru webhanga guru renyika, VaJohn Mangudya, neMugovera pamwe neveCZI uye vavimbiswa kuti maindasitiri ari kutsigirwa nemari uye hapana chinofanira kushaikwa.

Asi izvi zvinopesana nesangano re Oil Expressers Association of Zimbabwe iro rinoti dambudziko riripo rinogona kupera kana bhanga guru renyika rikawedzera mari inopihwa makambani anogadzira mafuta, sezvo pachidiwa mari yekunze mukutenga zvimwe zvinhu zvinodiwa mukugadzira mafuta.

VaMangudya vakaburitsawo mashoko ekuti nyaya yekuti zvinhu zvichashaikwa ndeyemanyepo uye veruzhinji havafaniri kutetera mashoko akadai sezvo akanangana nekukonzera kuti zvinhu zvisagadzikane munyika.

Asi mumwe mugari wemuHarare, VaJonstone Phiri, vati vanotyira kuti zvinhu zvichashata sezvakamboitika muna 2008 saka vanofanira kugara vakagadzirira.

Kunyange hazvo VaMutashu vati dambudziko range rakanyanya muHarare, mumadhorobha mazhinji munyika ange aine dambudziko rimwero.

Amai Girlie Sibanda, avo vanogara kuGweru, vanoti muzvitoro hamuchina zvinhu zvese zvinodiwa zuva nezuva.

Imwe nyanzvi munyaya dzehupfumi uye vakamboshanda mubazi rezvemari, VaMasimba Manyanya, vati zvese zvave kuitika zvinoratidza kuti hupfumi hwenyika hauna kumira zvakanaka.

Kanawo nhengo dzeZanu PF dzakaita semumiriri weHarare South muNational Assembly, VaShadreck Mashayamombe, havasi kufara nezviri kuitika uye neMugovera vakataura pamusangano wavakaita vachiti VaMangudya vanofanira kusiya basa.

Asi vamwe vakaita semumiriri weNorton, VaTemba Mliswa, vanoti VaMangudya handivo dambudziko asi kuti ibato reZanu PF.

Nhengo yekomiti yekomiti yaparamende inoona nezvehupfumi nebhajeti, zvakare vari munyori weanoona nezvehupfmui mubato guru rinokipisa reMDC-T, Doctor Tapiwa Mashakada, vati dambudziko guru riri munyika nderekushaikwa kwemari yekunze.

VaMashakada vati nyanzvi dzakatomboedza kubatsira kumutsiridza hupfumi asi izvi zvakaramba uye chave kudiwa chete kushandura hurumende.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:06:18 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG