Accessibility links

Breaking News

Maonero Osiyana Vamwe Vachiti Polad Haina Zvainobatsira Vamwe Vachiti Yakakosha


VaEmmerson Mnangagwa
VaEmmerson Mnangagwa

Mubatanidzwa wemapato ari munhaurirano nemutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa, Political Actors Dialogue, Polad, unonzi wakasunga kuti uite nhaurirano nemasangano eUnited Nations, International Monetary Fund, World Bank, pamwe nevamwe vane chekuita nezvirango zvinonzi zvakatemerwa vamwe vakuru muhurumende nevekumadokera.

Polad yakabuda nechisungo ichi kumusangano wayo wemazuva maviri wakapera neChitatu waiitirwa kuNyanga, apo vatungamiri vemamwe mapato anopikisa vakakwikwidza musarudzo dzegore rapera vari mumubatanidzwa uyu vakazivisa kuti vanoda kuti zvirango izvi zvibviswe vachiti zviri kurwadzisa vana veZimbabwe.

Mapato aya anoti zvirango izvi zviri kutadzisa kuti nyika iende mberi nekuda kwekunyimwa zvikwereti nemasangano akaita seIMF neWorld Bank.

POLAD ine mapato gumi nemanomwe, ayo ari kutsigirana neZanu PF panyaya yezvirango iyi.

Mutauriri werimwe remapato ari muPolad, reNational Constitutional Assembly, NCA, VaMadock Chivasa, vanoti kunyange hazvo vasingataure vakamirira Polad, bato ravo riri kuti zvirango izvi zvibviswe, kana Zanu PF iri kutadza basa yosara isina chekuhwanda nacho.

Asi vanoona nezvekufambiswa kwezvirongwa musangano reZimbabwe Network for Social Justice, uye vachiongorora zvematongerwo enyika, VaTendai Ruben Mbofana, vanoti havaoni zvirango izvi pazviri kubata nyika, sezvo zvakatemerwa vanhu zana nemakumi mana nevaviri chete.

VaMbofana vanoti hurumende yeZanu PF pamwe nemapato ari muPolad vanogona kunge vaine zvimwe zvavari kuwana kubva mukunyepera vanhu kuti zvirango zvauraya nyika.

Asi VaChivasa vanoti hapana munhu ari kugara muZimbabwe pari zvino asingazive kuti zvirango zvakasunga sei nyika, sezvo iri kutadza kukwereteswa mari nemasangano akaita seIMF neWorld Bank nekuda kwezvirango izvi.

Hurukuro naVaMadock Chivasa naVaRuben Tendai Mbofana
please wait

No media source currently available

0:00 0:06:20 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG