Accessibility links

Breaking News

Sangano rePlatform for Youth Development Robatsira Mhuri Dziri Kuda Kubviswa kuChipinge


Mhuri dziri kuChipinge dzinonzi dzakapiwa mazuva manomwe chete ekuti dzibve madzigere.
Mhuri dziri kuChipinge dzinonzi dzakapiwa mazuva manomwe chete ekuti dzibve madzigere.

Sangano rinorwira kodzero dzevechidiki pamwe nebudiriro yematunhu, rePlatform for Youth and Community Development, riri mushishi kubatsira vagari vemudunhu reChipinge rose vanonzi vakatarisana nekubviswa munzvimbo dzavagere.

Mukuru wesangano iri, Claris Madhuku, vanoti vagari vanodarika zviuru zvishanu mumatunhu eChipinge anosanganisira Munyokowere, Ndiyadzo, Beacon, Chibuwe, neKondo vakapiwa matsamba akabva kubazi rezveminda vachipiwa mazuva manomwe chete ekuti vange vabva munzvimbo dzavagere.

VaMadhuku vanoti mhuri idzi dzakatanga kugara mumatunhu aya mumakore ekuma 1950, zvekuti vanotove nemasabhuku nemadzishe avo, zvekuti vari kutokatyamadzwa kuti vave kubviswa munzvimbo dzavo nehurumende yevatema.

Vanotiwo sangano ravo riri kubatsira vagari nekuvadzidzisa kodzero dzavo dziri mubumbiro remitemo. Vanoti vakasvitsa nyaya iyi kumakomisheni anomirira kodzero dzevanhu eZimbabwe Human Rights Commission neNational Peace and Reconciliation Commission kuti apindirewo mugakava iri.

Asi VaMadhuku vanoti vamiriri vehurumende vakavazivisa kuti hurumende iri kutarisa nyaya iyi sezvo panga paine hurongwa hwekuona kuti vanhu vakapiwa sei minda senzira yekugadzirisa nyaya yeminda. Vanoti vari kushandawo nekanzuru yeChipinge pakutsvaga nzira dzekupedza gakava iri.

VaMadhuku vanoti bumbiro remitemo rinoti kana munhu achibviswa paagere, anofanirwa kutanga aratidzwa paari kunogariswa, kwete kuti munhu anongonzi ibva asiri kuziva kwaari kuenda.

Vanoti tsakurudzo yavo inoratidza kuti pane makambani ari kuda kupiwa minda iyi kuti arime rudzi rwenzungu rwe macadamia pamwe nemabhanana.

Hurukuro naVaClaris Madhuku
please wait

No media source currently available

0:00 0:05:21 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG