Accessibility links

Breaking News

Nhengo yeMDC Alliance Inonyimwa Mukana weKubhadhara Mari yeChibatiso kuMasvingo


Masvingo Court

Mutongi wedare repamusoro kuMasvingo, Justice Neville Wamambo,
varamba kutambira chikumbiro chakanzura weMDC Alliance kuMasvingo, VaGodfrey Kurauone, chekuti vabhadhariswa mari yechibatiso kutitira kuti vatongwe vachibva kumba pamhosva dzavari kupomerwa.


Gweta reZimbabwe Lawyers for Human Rights, VaMartin Mureri, vati VaKurauone, avo vanovazve murongi wemisangano yevechidiki muMDC Assembly, vadzoserwa kutirongo zvichitevera kunyimwa mukana wekubvisa mari yechibatiso.

VaMureri vati mutongi wedare aramba chikumbiro achiti VaKurauone vakapara mhosva yakafanana neimwe yavanayo iri mudare apo vakambopuwa mukana wekutongwa vachibva kumba.

Vati vachataura naVaKurauone kuti vakumbire dare kuti ritange kutonga mhosva dzavo nechimbi chimbi.

Mutauriri weMDC Alliance muMasvingo, VaDreck Charamba, vati havasi kufara nemutongo wapuhwa nedare.

Mukuru musangano rekodzero devanhu reMen365, VaTatenda Baloyi, vatiwo
dare ratyora kodzero dzaVa Kurauone nekuvanyima mukana wekubhara mari chibatiso.

VaKuraone vanotarisirwa kudzoka mudare redzimhosva reMasvingo magistrate neChishanu, panyaya yavo yekutanga yekunyomba mutungamiriri
wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vachivapomera mhosva yekuwondonga nyika.

VaKurone vakasungwa musi wa 31 July muMasvingo vachipomerwa mhosva
yekuratidzira uye kutuka VaMnangagwa.

Mune imwewo nyaya, kanzuru yeguta reMasvingo inoti yaomerwa zvakare
nekuita mabasa ayo zvizere nenyaya yekushaikwa kwemafuta emotokari
izvo zvoita kuti itadze kutakura marara nemamwe mabasa akakosha.

Meya weguta, VaCollen Maboke, vati kushaikwa kwemafuta kuri kukanganisa mabasa avo izvo zviri kupa kuti vagari vagare vachinyunyuta.

Vanoona nezvekufambiswa kwemabasa musangano rinomirira vagari, reMasvingo United Residents and Rate Payers Alliance, Muzvare Rumbidzai Magurupira, vati kanzuru inofanira kuwona kuti yagadzirisa dambudziko rekufambiswa kwebasa ayo kuitira kuti vagary vasaomerwa nehupenyu.

Vagari vakawanda vari kuchema chema zvikuru vachiti kusatakurwa kwemarara, kushaikwa kwemvura pamwe nekutadza kugadziriswa kwepombi dzesuweji dzinenge dzadhuuka kunogona kuwedzera kuparara kwezvirwere zvakawanda, kusanganisira chirwere che Covid-19 mudhorobha.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:05:40 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG