Accessibility links

Breaking News

MDC Alliance Inoti Iri Kugadzirira Kupinda Musarudzo dza2023


MDC Alliance Nelson Chamisa In Bulawayo Rally2
MDC Alliance Nelson Chamisa In Bulawayo Rally2

Bato reMDC Alliance rinoti riri kukwikwidza musarudzo dziri kutarisirwa muna 2023 kunyange hazvo hurumende ikatadza kuvandudza mitemo yesarudzo.

Vachitaura pamusangano wavaita nevatori venhau nhasi muHarare, munyori anoona nezvesarudzo muMdc Alliance, Va Ian Makone, vati bato ravo riri kugadzira kupinda musarudzo asi vacharamba vachisunda kuti nyika iite sarudzo dzejekerere.

VaMakone vatiwo zvakanakira nyika kuti iite sarudzo dzakachena dzisina bopoto muna 2023 kuitira budiriro yenyika.

VaMakone vatiwo vari kukurudzira hurumende kuti igadzirise dambudziko rekushaikwa kwezvitupa vachiti vanoda kuti zvitupa zvipiwirwe vanhu kumisha inogara vazhinji.

Nyanzvi mune zvematongerwo enyika, Amai Sibongile Mgijima, vati vanotsigirana nedanho ratorwa neMDC Alliance vachiti hurumende inoenderera mberi nesarudzo zvisinei nekuti MDC Alliance iri kukwikwidza here kana kuti kwete.

Amai Mgijima vakurudzira hurumende kuti kana zvezvitupa zviriko zvichinetsa, idzokere kuchinyakare uko kwaipiwa zvitupa zvebepa .

VaOwen Dhliwayo vanoshanda nesangano rePlatform for Youth Development vatiwo mapato anopikisa akadai seMDC Alliance anofanirwa kusunga dzisimbe munyaya yekuona kuti vanhu vawane zvitupa.

Studio7haina kukwanisa kubata vakafanobata chigaro chamabharani wenyika, VaHenry Machiri, pamwe negurukota rezvemukati menyika, VaKazembe Kazembe, nezvenyaya yekunetsa kwezvitupa.

Hurumende yava nemakore ichitatarika kuwanisa vanhu magwaro ekuzvarwa, zvitupa nemagwaro ekufambisa.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:56 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG