Accessibility links

Breaking News

Vechidiki muMDC-T yaVaChamisa Vanocheredza Day of African Child


Vimbai Tsvangirai - Java
Vimbai Tsvangirai - Java

Vechidiki mubato reMDC-T inotungamirirwa naVaNelson Chamisa vacherechedza zuva reDay of the African Child muHarare vachipemberera kudomwa kwakaitwa vamwe vavo kuti vamirire bato iri musarudzo dzegore rino.

Vechidiki ava vashandisa chiitiko chanhasi kuratidza veruzhinji nhengo dzevechidiki mubato iri dzakadomwa kumirira bato iri musarudzo dzekanzuru neparamende dzichaitwa gore rino.

Munyori muMDC-T muHarare, VaDenford Ngadziore, vati vanorangarira mabasa akaitwa nevadzidzi, vechidiki vekuSouth Africa muna 1976 vachirwira rusununguko uye ivo vari kuenderera mberi nebasa iri.

Mumwe wechidiki ari kumirira bato iri musarudzo dzeparamende kuHarare West, Muzvare Joanna Mamombe, vati vanofara nekuti zuva ranhasi rasvika apo bato iri rakavapa mukana wekupinda pazvinzvimbo dzehutungamiriri.

Muzvare Mamombe vati vanorangarira vechidiki vakafa kuSoweto, South Africa nekuti ndivo vakavavhurira mikana yavawana nhasi.

Mumwe wechidiki apinda pachiitiko chanhasi ndiAmai Vimbai Tsvangirayi Java, mwanasikana wemutungamiri weMDC wekutanga, muchakabvu Morgan Tsvangirai. Amai Java, avo vari kukwikwidza musarudzo yemumiriri weGlenview South, vanoti zvakakosha kuremekedza kodzero dzevechidiki.

Mumwe mukuru muMDC-T youth assembly mudunhu reHarare, VaJeff Chaitezvi, vati vanofara chose nezvigaro zvavakawana kuti vamirire bato mukanzuru nemuparamende.

Zuva reDay of the African Child rinocherechedzwa musi wa 16 Chikumi muAfrica gore rega rega pachirangairirwa vechidiki vakaratidzira kuSoweto muJohannesburg vachipikisa hutongo hwehudzvanyiriri muSourth Africa.

Nyaya Ina Godwin Mangudya
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:30 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG