Accessibility links

Breaking News

MDC Alliance Yokumbira Kuti SADC Ipindire muZimbabwe


Hon Tendai Biti At Parliament
Hon Tendai Biti At Parliament

Mutevedzeri wemutungamiri weMDC Alliance, VaTendai Biti, vaudza vatori venhau kuti kutambura kuri kuita vanhu munyika kuri kukonzerwa nehurumende iri kutadza kutonga.

Vati vana veZimbabwe vari kuyaura nenhamo, zvirwere nekuda kwehuwori uhwo vati hwapfunya chisero muhurumende nemapazi ayo.

VaBiti vatiwo dambudziko rekutyorwa kwekodzero dzevanhu munyika rava kuda kuti SADC, zvikuru sachigaro wayo, South Africa pari zvino, ipindire kuitira kuti kodzero dzevanhu dzisarambe dzichityorwa.

Masangano akawanda pamwe nemapato akaita seTranform Zimbabwe ari kuronga kuratidzira pamusoro pehuwori nemusi weChishanu.

Asi mukuru wemapurisa, Commissioner General Godwin Matanga, vaudza Studio 7 kuti kuratidzara uku kuri kunze kwemutemo uye havasi kuzokubvumidza.

Mapurisa ari kutsvaga vanhu vakawanda vanosanganisira nhengo yeparamende yeMDC Alliance, VaJob Sikhala, nhengo dzevechidiki mubato iri pamwe nemasangano akaita seTajamuka nekuda kwekuratidzira kuri kurongwa uku.

Gurukota rinoona nezvemukati menyika, VaKezembe Kazembe, vati hapana chikonzero chekuti vanhu vapinde mumigwagwa sezvo vanhu vari kuita huwori vari kusungwa.

Vati kuratidzira kwese kunorongwa nemapato anopikisa kunopera nemhirizhonga.

Mutungamiri weTranform Zimbabwe, VaJacob Ngarivhume nemutori wenhau, Hopewell Chin’ono vakatsungwa vachinzi vari kukurudzira kuti vanhu varatidzire zvisiri pamutemo nemusi weChishanu.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:42 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG