Accessibility links

Breaking News

VaBiti neVamwe Vavo Vanonyoresa Kuitira Kuti Vavhote Muna Kurume


Nomination Court Signage Harare

Dare reNomination Court ravhurazve kutambira mapepa enzvimbo nhanhatu dzedare reNational Assembly uko kwaive kwambonzi hakuitwe sarudzo dzema by-elections.

Dare reNomination Court ratambira mazita evanhu vachakwikwidza mumatunhu matanhatu akambenge anzi nedare repamusoro haasi kuitwa sarudzo.

Matunhu aya anoti; Harare East ,uko kwaiva naVaTendai Biti, Kambuzuma kwaiva naVaWillias Madzimure, Mbizo kwaiva naVaSettlement Chikwinya, Nkulumane kwaive naVaKucaca Phulu, Pumula kwaive naVaSichelisile Mahlangu nekuMutasa South kwaive naVaRegai Tsunga.

Vachitaura mushure mekuisa mapepa avo, VaMadzimure, avo vaisa mapepa pasi pebato idzva reCitizens Coalition for Change vaudza Studio 7 kuti vari kutarisira kukunda zvine mutsindo kuKambuzuma vachiti vanhu vekunzvimbo iyi vanoziva ivo huye vanoterera zvichemo zvevanhu.

Mutevedzeri wemutauriri weCitizens Coalition for Change, VaGift Ostallos Siziba, vati nhengo dzavo dzese dziri nhanhatu dzakwanisa kuisa mapepa adzo.

VaFungai Chiposi avo vaisawo mapepa avo vachida kumiririra Kambuzuma pasi pebato reMDC Alliance vati vari kutarisawo kukunda zvine mutsindo vachiti bato ravo ndiro bato guru rinopikisa.

Zanu PF ichange ichimirirwawo naVaOscar Nyamukonoro kuKambuzuma, avo vati vari kutarisirawo kukunda.

VaNyamukonoro vati musha weKambuzuma wange waparara vachiti vatungamiriri vange variko kubva kumapato anopikisa vaikonewa basa.

Mutauriri weUnited Zimbabwe Alliance, VaTatenda Ishemukuru Ndlovu, vatiwo bato ravo raisa mapepa aVa Garikai Mlambo avo vachakwikwidza kuHarare East.

Vamwe vaisa mapepa avo kukwikwidza Harare East ndiVa Biti, Amai Mavis Gumbo vachange vachimirira Zanu PF, Muzvare Precious Nyaradzo Musarurwa veLabour Economists and African Democrats naVaChristopher Lovemore Mbanga ve MDC Alliance.

Zimbabwe Electoral Commission yati munhu mumwe chete kuHarare East nemumwe chete kuKambuzuma varambirwa mapepa avo

Sachigaro weZimbabwe Election Support Network huye vari gweta, VaAndrew Makoni, vati kupa mitongo yakasiyana siyana kwakaitwa nedare reHigh Court p kunopa kuti vanhu varase tariro nematare.

Kudunhu reMidlands vanhu vashanu ndivo vabudirira kuisa mapepa avo ekuzokwikwidza musarudzo dzema-by elections

VaMakoni vatiwo nguva yapiwa vanhu kuti vagadzirire mapepa avo yanga iri shoma zvakanyanya.

Kune dzimwe nzvimbo dziri kuitwa maby-elections muna Kurume, uye nomination court yakatambira mazita evanhu ava musi was 26 Ndira.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:18 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG