Accessibility links

Breaking News

VaGutu Vanoti Vachiri paNyanga, Uye Vari Kutsvaga Rutsigiro muHarare East


Obert Gutu
Obert Gutu

Mutauriri webato re MDC- T, VaObert Gutu, vanoti hachisi chokwadi chiri kutaurwa kuti vasiya basa ravo mubato rinopikisa iri.

Mutauriri webato re MDC- T, VaObert Gutu, vanoti hachisi chokwadi chiri kutaurwa nevanhu chekuti vasiya basa ravo rekuva mutauriri webato guru rinopikisa iri.

VaGutu vanoti zviri kuburitswa mumapepanhau hazvisi zvechokwadi, uye vamwe vanhu vari kutadza kunzwisisa zvavakanyora pa Twitter yavo.

VaGutu vanoti vari kuenderera mberi nehurongwa hwavo hwekutsvaga vatsigiri mu Harare East, sezvo vari kuda kukwikwidza munzvimbo iyi musarudzo yekutsvaga mumiriri weHarare East.

Asi vamwe vanoti danho ratorwa naVaGutu rekuda kukwikwidza muHarare East rinopesana nevamwe vari muMDC Alliance avo vakapa nzvimbo iyi kubato re People’s Democratic Party rinotungamirwa naVa Tendai Biti.

Mu MDC-T mune makakatanwa makuru pakati pemutevedzeri wemutungamiri webato akasarudzwa nekongiresi yakaitwa muna 2014, pamwe nemumwe mutevedzeri wemutungamiri webato, VaNelson Chamisa, avo vakadomwa muna 2016 nevaive mutungamiri webato iri, VaMorgan Tsvangirai, avo vakavigwa kumusha kwavo kuBuhera nemusi weChipiri.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika dzinoti gakava iri rikasagadziriswa nekukurumidza rinogona kusiya bato rinopikisa iri risina kumira zvakanaka.

Hutungamiri hwebato hwakasangana neChishanu muHarare huchipangana mazano panyaya yanetsa mubato.

Mushure memusangano uyu, mutevedzeri wemutauriri webato, Muzvare Tabitha Khumalo, vakaudza Studio7 kuti musangano wavo wainge wabuda nechisungo chekuti VaChamisa ndivo vachafanobata chigaro kwemwedzi gumi nemiviri.

Asi dzimwe nhengo dze National Standing Committee dzisina kuda kudomwa nemazita, dzinoti musangano wakaitwa neChishanu kuAnglican Cathedral, waive wekupangana mazano chete, kwete kuti ubude nechisungo.

Nhengo idzi dzatiwo zvakakurukurwa pamusangano uyu zvinhu zvinofanirwa kuonekwa vanhu vakatarisa zvinoreva bumbiro remitemo yebato. Vatiwo sezvo paine gakava rekuti ndiyani anofanirwa kunge ari munhu anofanobata matomu zvichitevera kushaya kwaVaTsvangirai, gakava iri rinofanirwa kuendeswa ku Appeals Tribunal.

Izvi zvinoreva kuti National Council inofanirwa kudoma nhengo dze Appeals Tribunal, iyo ichaongorora gakava riripo, yakatarisa zvinoreva bumbiro rebato, kwete kutarisa kuti nhingi anobva kupi uye ane vanhu vakawanda zvakadii vanomutsigira.

Vati zvinenge zvasungwa ne Appeals Tribunal ndizvo zvinofanirwa kutevedzerwa nebato.

Nhengo idzi dzatiwo gakava riripo pakati paMuzvare Khupe naVaChamisa, riri kukonzerwa nekupesana pamusoro pezvinoreva bumbiro remitemo yebato, nokudaro Appeals Tribunal ndiyo chete ndiyo ine masimba ekugadzirisa gakava iri.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:21 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG