Accessibility links

Breaking News

Vanhu Voshora Zanu PF Zvichitevera Kushandisa Zvinhu zveHurumende Musarudzo Dzayo


Apo bato reZanu PF rave kupeta sarudzo dzekutsvaga vacharimirira pasarudzo dzegore rino, mamwe mapato anopikisa ashora bato iri nekushandisa mari dzehurumende, mapurisa nezvikoro pasarudzo dzaro dzema primary.

Sarudzo dzemuZanu PF dzange dziri kuritirwa muzvikoro, nzvimbo dzakaita semakambani ehurumende akaita seDistrict Development Fund nedzimwe uye mapurisa ndiwo ange achivhotesa kana kutakura mapepa ekuvhotesa pamwe nekuachengetedza.

Vezvimwe zvikoro nemakanzuru varamba kuti tivadome mazita avo sezvo vachitya kuzoshungurudzwa vati bato iri harina kubhadhara kushandisa zvikoro zvavo uye rinozivikanwa nekusabhadhara.

Zvakaitwa neZanu PF izvi hazvina kufadza vemapato anopikisa pamwe namasangano anoshanda akazvimirira avo vanoti zviri kuitwa neZanu PF zviri kunze kwemutemo.

Munyori anoona nezvesarudzo muMDC-T inotungamirwa naVaNelson Chamisa, VaMurisi Zwizwai, vaudza Studio7 kuti zviri kuitwa neZanu PF izvi hazvina kunaka zvachose.

Vashorawo kushandiswa kwemapurisa nebato iri uye vati izvi zvinoratidza pachena zvavagara vachitaura kuti mapurisa anoita zvematongerwo enyika nekushandira Zanu PF.

Vatiwo nyaya yekushandisa mapurisa ane zvombo mumaprimary inyaya yekutyityidzira vanhu uye izvi zvichaitwa zvekare musarudzo dzenyika yese.

Mutauriri weMDC inotugamirirurwa naVaWelsham Ncube, VaKuraoune Chihwayi, vashorawo Zanu PF nekushandisa mapurisa.

VaItai Munyoro vebato reNational People’s Party vatiwo nezviri kuitika havawoni nyika ichiita sarudzo dzakachena.

Hatina kukwanisa kubata mutauriri webato reZanu PF, VaSimon Khaya Moyo, kuti tinzwe divi ravo panyaya iyi.

Asi vanoona nezvekurongwa kwemusangano mubato iri mudunhu reHarare, VaDouglas Mahiya, vati hapana chakapa kuti vashandise zvikoro panopinda vana vavo.

Vatiwo mapurisa anoshandira bato riri kutonga kwete mapato anopikisa.

Mukuru wesangano reCrisis in Zimbabwe Coalition kuchamhembe kweAfrica, VaJoey Mabhenge, vaudza Studio7 kuti izvi zvinoratidza pachena kuti sarudzo dzichange dzisina kuchena.

Vanoongorora zvematongerwo enyika vakazvimirira, Muzvare Gladys Hltashwayo, vati hapana chinoshamisa pane zviri kuitwa nemapurisa vachiti ndozvavanogaro chema kuti mapurisa nemasoja anoita zvematongerwo enyika achishandiswa neZanu PF.

Vati iri ndiro dambudziko guru rakatarisana nenyika apo yave kupinda musarudzo dzakakosha.

Zvichakadai, sarudzo dzema primary munzvimbo zhinji munyika dzapera uye zvakabudamo zvinotarisirwa kuzviswa zviri pamutemo mangwana nemukuru anoona nezvekurongwa kwemusangano mubato iri, VaEngelbert Rugeje.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:49 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG