Accessibility links

Breaking News

MDC Alliance Inoti Ichakunda Musarudzo Dzichaitwa Muna Kurume 2022


Nelson Chamisa

MDC Alliance inoti inovimba kuti nhengo dzayo dzese dzakadzingwa muparamende nemakunzuru dzichadzokera pazvigaro zvadzo musarudzo dzichaitwa muna Kurume.

Mutevedzeri wemutauriri webato iri, VaGift Ostallos Siziba, vaudza Studio7 kuti vanotarisira kuti nhengo dzavo dzese dzichakunda nekuti ndizvo zviri kudiwa nevanhu vakavhotera vanhu ava musarudzo dza2018

Sachigaro vebato iri kuMatabeleland North zvakare vaimirira Binga North muNational Assembly, VaPrince Dubeko Sibanda, vaudza Studio 7 kuti vanotarisira kukunda zvine mutsindo musarudzo dzichaitwa musi wa 26 Kurume.

Vati vanhu vakatsamwa zvikuru nekudzingwa kwavakaitwa nekudaro vanoda kugadzirisa nyaya iyi pasarudzo.

Vati ivo nevamwe vavo vese vakadzingwa vachadzokera pazvigaro zvavo muparamende nemumakanzuru.

VaEthrage Kureva avo vaimirira Epworth vanoti vanotarisira kudzokera kuparamende nekuti veruzhinji kuEpworth vanovimba nebato ravo.

VaSiziba vaudza Studio7 kuti vanotarisira kuti nhengo dzeparamende nemakanzura dziite zvido zvevanhu uye bato ravo rave nehwaro hwekuona kuti vanhu ava vari kugona basa here kana kuti kwete. Vati izvi ndizvo zvichashandiswa kuona kuti vanhu ava vomirira bato zvekare here kana kuti kwete musarudzo dza2023.

Vanoongorora zvematongerwo enyika vakazvimirira, VaSydicks Muradzikwa, vati danho ratorwa neMDC Alliance rakanaka chose uye nhengo dzebato ravo dzichakunda sezvadzakaita muna 2018.

Vati hapana chanyanya kushanduka kubva panguva iyi.

Asi vamwewo vanongorora nyaya dzematongerwo enyika vakazvimirira, VaJoel Mukusha, vati nyaya yemakakatanwa nekurwirana mazita inogona kukanganisa zvikwata zveMDC musarudzo.

Mamwe mapato akaita seMDC yaVaMwonzora pamwe neZAPU ari kupindawo musarudzo idzi.

Mangwana Zanu PF iri kuita sarudzo dzemaprimary dzekutsvaga vanhu vachaimirira bato iri musarudzo dze by—elections muna Kurume.

Mutungamiri webato iri, uye vari mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vakati bato ravo richakunda musarudzo idzi kusanganisira sarudzo dfzichaitwa muna 2023.

Sarudzo dzemusi wa26 Kurume ndedzekutsvaga vanhu vachatora zvigaro zvenhengo dzeparamende nemakanzura akadzingwa basa kana kufa.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG