Accessibility links

Breaking News

VaChamisa Vanoti Vacharamba Vachitaura Pamusoro peMhirizhonga Iri Kuitika Munyika


VaNelson Chamisa naVaEmmerson Mnangagwa

Mutungamiri webato guru rinopikisa reMDC Alliance, VaNelson Chamisa
vanoti zvinosuwisa nekugumbura kuti mutungamiri weZanu PF, VaEmmerson Mnangagwa, vanoti VaChamisa vari kunyepera kuti vari kuda kuurayiwa asi ivo VaMnangagwa vakapotsa vaurayiwa vatevedzeri vavo vakakuvara muchiitiko ichi.

Vachitaura pakupera kwerwendo rwavo rwemazuva matatu mudunhu
reMashonaland West, VaChamisa vati zvinorwadza, zvinoshungurudza, uye zvinopisa tsitsi kuti VaMnangagwa vanoti mabasa ehumhondi avari kusangano nawo apo vari kupinda muvanhu, haasi echokwadi.

VaChamisa vati vari kumira nemashoko avo ekuti motokari yavo
yakapfurwa nepfuti vachiti havana chikonzero chekunyepa.

VaChamisa vati chinoshamisa ndechekuti VaMnangagwa vari kuti manyepo asi mapurisa asati apedza ongororo yezvakaitika.

VaChamisa vati VaMnangagwa vangadai varega mapurisa apedza ongororo yawo vachiti mashoko avo achaita kuti mapurisa anozive chokwadi chakaitika atye kuburitsa pachena zvakaitika.

VaMnangagwa vakaudza nhengo dzebato ravo dzePolitburo neChitatu
kuti vasiyane nevamwe vanhu vanoda kushamisira nekuda kuonererwa
nemasangano makuru epasi rose, mashoko anoonekwa nevakawanda sevaireva VaChamisa.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa kune vakafanobata chigaro hemutauriri weZanu PF, VaMike Bimha, sezvo vanzi vanga vakabatikana nezviri kuitika kumusangano wepagore webato ravo.

Asi mukuru anoona nezvekufambiswa kwemashoko muZanu PF, VaTafadzwa Mugwadi, vakaudza Studio7 kuti veMDC Alliance vari kuronga kuita zvinhu zvenhema zvakanangana nekusvibisa zita renyika panguva iyo nhumwa yeUnited Nations iri munyika.

Munzvimbo dzashanya VaChamisa nhasi mumatunhu eZvimba, Chegutu
neMhondoro, misangano yavo yafamba zvakanaka asi pamboita mhirizhonga paMurombedzi nemuChegutu.

Mutevedzeri wemutauriri webMDC Alliance, VaGift Ostallos Siziba,
vanoti varwiswa muChegutu asi vaenderera mberi nemusangano wavo.

Vanoongorora nyaya dzezvematongerwo enyika, VaRejoice Ngwenya, vanoti mhirizhonga iri kuitika ndeyenguva shoma sezvo vachiti kana nguva
yesarudzo yakwana VaMnangagwa vachamisa mhirizhoonga sezvo venenge votyira kuti zvinobuda musarudzo zvinozopikiswa.

VaChamisa vapeta rwendo rwavo mudunhu reMashonaland West nhasi.

Zvichakadaro, MDC Alliance inoti yanyorera United Nations gwaro renyunyuto ichiti haina kufara nemaitirwo akaitwa basa nenhumwa yeUnited Nations, Amai Alena Douhan, avo vasina kuita musangano nebato iri apo vange vari munyika.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:29 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG