Accessibility links

Breaking News

MDC Alliance Inoti Chibvumirano cheHurumende neVarimi Vachena Hachisi paMutemo


Muzvare Fadzai Mahere

Bato guru rinopikisa munyika, reMDC Alliance, rinoti chibvumirano chekuripa varimi vechichena vakatorerwa minda, cheGlobal Compensation Deed, chakaitwa pakati pehurumende nevarimi ava chiri kunze kwemutemo sezvo chakaitwa kunze kweparamende sezvinodiwa nembumbiro remitemo yenyika.

Mutauriri weMDC Alliance, Advocate Fadzayi Mahere, vaudza vatori nevenhau kuti chimbumirano ichi chakaitwa muchihwande pasingatevedzwe mutemo yenyika.

Vati paramende inofanirwa kuve nechekuita nechibvumirano chekuripa varimi.

Vati kunyange hazvo bumbiro remitemo yenyika risangasungire kuti vaishanda mumapurazi varipwewo, hazvina kunaka pachivanhu kuti vanhu ava vasaripwa nekuti vakarasikirwa nemabasa uye vazhinji vacho havana chekubata.

Munyori mukuru musangano rinomirira vashandi veZimbabwe Congress of Trade Unions, VaJaphet Moyo, vaudza Studio 7 kuti kunyange hazvo bandiko resangano ravo rinomirira vashandi vemumapurazi, rakataura pakunyorwa kwebumbiro remitemo yenyika kuti raida kuti nhengo dzaro dziripwewo, izvi hazvina kutambirwa pakanyorwa bumbiro nezvikwata zviviri zveMDC neZanu PF muna 2013.

Vati shuviro yavo ndeyekuti pachabhadharwa varimi vachena, vaive vashandi vavo vachabhadharwawo.

Munyori mubazi rezvekuburitswa kwemashoko, VaNick Mangwana, vaudza Studio 7 kuti hurumende inonzwisa kutambura kwakaita vashandi vakarasikirwa nemabasa avo pakatorwa minda.

Asi vati vanotarisira kuti varimi vachabhadhara vashandi vavo kana vachinge vawana mari dzavo.

Pasi peGlobal Compensation Deed hurumende ichabhadhara vachena vakatorerwa minda yavo mabhiriyoni matatu nemazana mashanu ezviuru zvemadhora ekuAmerica.

Advocate Mahere vati zvakakosha kuti zvibvumirano zvakadai zviitwe pajekerere nekuti mangwana verezhinji ndivo vanozopedzesera vobhadhara zvikwereti zvinenge zvatorwa nehurumende muchihwande.

Asi vachipindura mumiriri weHarare East muNational Assembly vanove mutevedzeri weMDC Alliance, VaTendai Biti muparamende nezuro panyaya imwe cheteyo,gurukota rinoona nezvmitemo, VaZiyambi Ziyambi, vakati paramende haineyi nechekuita nezvechibvumirano chekuripa varimi vachiti iri ibasa rehurumende.

VaZiyambi vakati paramende ichazodiwa chete kuti itambire chibvumirano ichi kana vakazoda kushandisa mari yekubva mubhajeti renyika.

VaZiyambi vakatiwo haisi kudzorera minda kuvachena vachiti vanhu vachadzorerwa ivhu varimi vatema vemuno vakatorerwwa minda pamwe nevachena vane minda yainge yakachengetedzwa nemaBilateral Investment Promotion and Protection Agreements nemaBilateral Investment Treaties.

Chibvumirano cheGlobal Compensation Deed chakasaimwa muna Chikunguru pakati pehurumende yakamirirwa negurukota rezvemari, VaMthuli Ncube, pamwe nemasangano anomirira varimi vachena anoti Commercial Farmers Union of Zimbabwe, Southern African Commercial Farmers Alliance neValuation Consortium Private Limited.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:58 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG