Accessibility links

Breaking News

MDC Alliance Inoshora Bhajeti raVaChinamasa.


MDC Alliance
MDC Alliance

Mapato anopikisa pasi pemubatanidzwa weMDC Alliance aramba kutambira bhajeti rehurumende ra2018 achiti harina zvarinogadzirisa uye Zanu PF iri kubata vanhu kumeso.

MDC Alliance yatiwo nhengo dzayo dzeparamende hadzisi kuzotsigira bhajeti iri muparamende.

Mukuru webato rePeople Democratic Party, VaTendai Biti, vanove zvakare sachigaro wekomiiti inoona nezvehwaro hwehupfumi hwenyika, vati havawoni hurumende yeZanu PF ichitevedza zvayakatura mubhajeti iro rakaturwa neChina.

VaBiti vatiwo hurumende iyi ihurumende isiri pamutemo uye chinodidwa kuti hupfumi hwenyika hufambire mberi, kutanga kuumba hurumende iri pamutemo nekuita sarudzo dzakachena.

VaBiti vati zviri pachena kuti hurumende yaVaMnangagwa haikwanisi kuronga hupfumi vachiti kunyange hazvo ichitarisira kuwana madhora mabhiriyoni mashanu nechidimbi, iri kuronga kushandisa mari ingangosvika mabhiriyoni matanhatu.

Vati havawoni hurumende ichaiunganidza mari yainotarisira kuwana asi vanoziva kuti ichatoshandisa mari yakawanda kudarika mari yainotarisira kushandisa.

VaBiti vatiwo zvirongwa zvekuderedza huwandu hwemari inoshandiswa nehurumende zvakaita sekudzinga mayouth officers basa haushandi nekuti pane vashandi vakawanda zvikuru vehurumende vasina mabasa avanoita vanofanira kubviswa pabasa kana kuti ma ghost workers.

Vati MDC Alliance ine hurongwa hwanakana chose hwekumutsiridza hupfumi hwakaita sekurega kushandisa mari yemaBond Notes pamwe nekuti nyika ishandise maRands ekuSouth Africa.

Mutevedzeri wemutungamiriri weMDC –T, VaNelson Chamisa, zvakare vachimirira Kuwadzana East, vati nhengo dzese dzeparamende hadzifaniri kutsigira bhajeti iri sezvo risina zvarinobatsira munyika.

Vanotiwo havatsigiri nyaya yegurukota rezvemari, VaPatrick Chinamasa ,yekuti mauto apindire munyaya dzehupfumi.

Bhajeti iri rinofanira kupasiswa neparamende risati raendeswa kumutungamiri wenyika kuti asaine kuti rishandiswe.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:55 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG