Accessibility links

Breaking News

MDC Inoti Hurongwa Hwayo hweKuratidzira neMusi weChishanu Huri Mugwara


Obey Sithole MDC Youth Leader 4

MDC inotungamirwa naVaNelson Chamisa inoti yamirira kusvika kwemusi we Chishanu apo bato iri richapinda mumugwagwa richiratidzira.

Sachigaro wevechidiki mubato iri, Va Tererai Obey Sithole, vanoti vachange vaine vanhu vachange vachichengetedza runyararo kuitira kuti kuratidzira uku kusaite mhirizhonga.

VaSithole vanoti bato ravo ratora danho iri sezvo zvinhu zvisina kumira zvakanaka munyika.

Asi bato riri kutonga re Zanu PF rinoti rinozviziva kuti chinangwa cheMDC ndechekuda kubvisa mutungamiri wenyika, Va Emmerson Mnangagwa, avo rinoti vakasarudzwa zviri pamutemo.

Mutevedzeri wegurukota rezvekuburitswa kwemashoko, Va Energy Mutodi, pamwe nemutevedzeri wegurukota rezvekudzivirirwa kwenyika, Va Victor Matemadanda, vanoti MDC ikaita zvemhirizhonga nemusi weChishanu, inenge yazvisikira moto muziso.

Asi VaSithole vanoti vari kuratidzira murunyararo nemusi weChishanu nokuti ndiyo chete nzira inoremekedzwa nebumbiro remitemo yenyika kuti vaburitse nyunyuto dzavo.

VaSithole vanoti munyika hamuna mabasa, zvinhu zviri kushaikwa, uye vechidiki vari kuomerwa zvikuru.

VaSithole vanoti vari kutadza kutonga nguva yavo yakwana, vanofanirwa kuchisiyira vamwe kuti vafambise basa kuitira kuti zvinhu zvinake munyika.

MDC inoti yakazivisa mapurisa zviri pamutemo, nokudaro chasara chete kuti vatsigiri vebato iri vapinde mumugwagwa vachiratidzira nenzira dzinotambirwa nemutemo.

MDC inoti vanhu vachatanga vaungana muAfrica Unity Square nenguva dza 9 mangwanani, vanhu vozofora muranyararo vachitevedza nzira dzakaziviswa mapurisa, vozopedzisira nekuungana muAfrica Unity Square.

Vachitaura pazuva rekucherechedza mauto, VaMnangagwa vakumbira zvikuru kuti veruzhinji vasaite zvemhirizhonga, kana kuita zvinhu zvinopa kuti munyika musagadzikana.

Dzimwe nyanzvi munyaya dzematongerwo enyika dzinoti mashoko aVaMnangagwa anogona kunge ange akanangana nekuratidzira kweMDC nemusi weChishanu.

Kubva zvadomwa VaMnangagwa neZimbabwe Electoral Commission kuti ndivo vakakunda musarudzo yemutungamiri wenyika, veMDC vanoti havatambiri VaMnangagwa semunhu akasarudzwa kunyange hazvo dare reConstitutional Court rakatsinhira zvakaburitswa neZimbabwe Electoral Commission.

please wait

No media source currently available

0:00 0:09:24 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG