Accessibility links

Breaking News

Vechidiki Mubato reNPP Voparura Chirongwa che#JoiceIsMyChoice


Joyce Mujuru Launch

Vechidiki mubato rinopikisa reNational People’s Party kana kuti NPP nhasi vaparura chirongwa che#Joice is my Choice, mutungamiri webato iri, Amai Joice Mujuru, vachiti hutungamiriri webato ravo hwakazvipira kusiira matomu kune vechidiki vakarongeka.

Vachitaura muHarare pakuparurwa kwechironwa ichi chakanangana nekutsvagira Doctor Mujuru rutsigiro musarudzo yemutungamiriri wenyika, Amai Mujuru vati vanofara kushanda nevechidiki vakarongeka.

Asi vati havagoni kupa masimba kune vechidki vasina tsika nehunhu uye vafara chose kuti vechidiki mubato ravo varatidza kuti vakarongeka nekuparura chirongwa che#Joice Is My Choice.

Amai Mujuru vati vanoda kuona vechidiki vachipinda muzvigaro zvehutungamiriri mungave muparamende kana mumakanzuru.

Munyori mukuru wevechidiki muNPP, VaDaniel Murahwa vaudza Studio 7 kuti chirongwa chavo chichashandiswa nevechidiki mukutsvaga rutsigiro.

Mutevedzeri wasachigaro wevechidiki, Muzvare Angnes Chiwawa, audza Studio 7 kuti vachange vachishandisa nzira dzakasiyana siyana pamwe nembozhanhare mukukurudzira veruzhinji kuti vavhotere DoctorMujuru musarudzo dzemutungamiri wenyika pamwe nevanenge vachimirira NPP musarudzo dzeparamende nemakanzuru.

Muzvare Chiwawa vakarurudzira vanhukadzi vechidiki kuti vakwikwidze zvigaro zvehutungamiriri.

Musangano wanhasi wapindwa nevechidiki kubva kumatunhu ese munyika uye Doctor Mujuru vati bato ravo richishanda nemubatanidzwa wePeople’s Rainbow Coalition, richange rakamirirwa mumatunhu ose zne zvigaro.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:51 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG