Accessibility links

Breaking News

Mamwe Mapato Anopikisa Odawo Kupihwa Mari neHurumende


Mapato anopikisa anoda kuti mutemo uchinjwe kuti mapato anopikisa mazhinji agopiwavo mari yokushandisa pasarudzo.
Mapato anopikisa anoda kuti mutemo uchinjwe kuti mapato anopikisa mazhinji agopiwavo mari yokushandisa pasarudzo.

Mapato anokipisa anoti mutemo wePolitical Parties Finance Act unofanira kubviswa kana kuvandudzwa kuitira kuti ubatsire vese vanenge vanyoresa kuNomination Court kuti vakwikwidze musarudzo.

Vachitaura pamusangano wange wakarongwa neTransprancy International Zimbabwe pamwe neElection Resource Centre, vange vakamirira MDC Alliance, VaJacob Mafume vePeople’s Democratic Party, vati mutemo wePolitical Parties Finances Act unofanira kubviswa kana kuvandudzwa kuti vese vanenge vakwanisa kunyoresa kupinda musarudzo yemutungamiri wenyika, kana dzeparamende, vapihwewo mari pasi pemutemo uyu.

VaMafume vati mutemo uyu unopa mukana kubato riri kutonga pamwe nemamwe mashona anenge akwanisa kusvitsa pachiereso chekuti bato ripihwe.

VaMafume vatiwo havasi kufara nenyaya yekuti mutemo uyu unorambidza mapato ezvematongerwo enyika kuti awane mari kubva kunze kwenyika uye izvi zvinoita kuti mapato asiri kutonga ashaye mari yekushandisa pakutsvaga rutsigiro.

Vachitaurawo pamusangano mumwechetewo, nhengo yeZanu PF, VaTafadzwa Mugwadi, vati harisi basa rehurumende kungopa wese anenge atanga bato rake mari.

VaMugwadi vati mutemo wakatonaka sezvauri.

Pari zvino Zanu PF neMDC-T yaVaNelson Chamisa ndidzo chete dziri kupihwa mari nehurumende pasi pemutemo wePolitical Parties Finance Act.

Vachakwikwidza musarudzo yemutungamiriri wenyika vakamirira mubatanidzwa weCoalition of Democrats, VaElton Mangoma, vaudza Studio7 hapana bato rinofanira kutombopihwa mari nehurumende.

Vati kana vave kutonga vachabvisa mutemo uyu zvachose sezvo vachiti kutambisa mari yehurumende inofanira kunge ichishandiswa pamabasa ebudiriro.

VaMangoma vati vanhu havafaniri kupinda munyaya dzematongerwo enyika kana kutanga mapato kuti vagopihwa mari nehurumende.

Mukuru wesangano rePlatform for Youth Development, VaClaris Madhuku, vati handi mapato ose anofanira kupihwa mari asi kuti panofanira kuva nechiereso chekuti ndiyani anopihwa mari.

Vanoti nyaya yekuti mapato anenge awana zvikamu zvishanu kubva muzana zvemavhoti ndiwo anopihwa mari inofanira kuongororwa uye zvikamu izvi zvinofanira kuderedzwa kusvika kana pachikamu chimwe chet chemavhoti kubva muzana zvemavhoti.

Vanoongorora nyaya dzehupfumi vakazvimirira, VaMasimba Kuchera, vaudza Studio7 kuti mapato akapihwa mari pachena munhu wese anogona kutanga bato rake.

Mutongi mukuru wematare edzvimhosva, VaLuke Malaba, vakarasa nyaya yemamwe mapato ainge akwidza nyaya achidawo mari pasi pePolitical Parties Finance Act vachiti kuita bato rezvematongerwo enyika harisi bhizimisi.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:52 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG