Accessibility links

Breaking News

Mapato Anopikisa Okurudzirwa Kubatana Kuitira Kuti Abvise Zanu PF Musarudzo


Signing the MDC Alliance agreement.
Signing the MDC Alliance agreement.

Masangano akazvimirira oga ari kukurudzira vemapato anopikisa kuti abatane aite mubatanidzwa mumwe chete wakasimba kuitira kuti akunde Zanu PF yave kutungamirwa naVaEmerson Mnangagwa musarudzo dzichaitwa gore rinouya.

Vachitaura pamusangano wavaita neMuvhuro kuMasvingo, masangano aya ati sarudzo dzegore rinouya dzinogona kunetsa sezvo mauto ari kuratidza kuti angangopuhwa simba rekutungamira sarudzo achibatsira Zanu PF nekudaro panotoda mushandira pamwe wemapato anopikisa.

Vanoona nezvekufambiswa kwebasa musangano re United Mutare Residents and Rate Payers Trust, VaEdison Dube, vati vemapato anopikisa vanofanira kusiya zvekurwira hutungamiri vobatana pamwe nemamwe masangano akazvimirira, vadzidzi pamwe neve machechi.

"Mafungiro angu ndeekuti coalition inofanira kuita imwe, kwete zvekuti ave nechipoka apo ototi ndave ne coalition. Kana nyaya idzi dziri dzekuti vana veZimbabwe vabenefite ngavabatane pamwe zvisingapereri pama party chete asi vabatanazve nema Civic society, vemachechi nemamwe masangano akaita seanomirira vagari, ndizvo zvinoita kuti kana pane ane pfungwa dzekutyikidzira vanhu kana kubira election awone kuti chisungo chevana veZimbawe ndechekuda free and fair election, VaDube vanotsanangura.

Masangano akazvimirira aya ashoropodza vatungamiri vemapato munyika, avo vane mibatanidzwa mitatu yakasiyana inoti, MDC Alliance inotungamirirwa na VaMorgan Tsvangirai, CODE inotungamirwa naVaElton Mangoma neRainbow Coalition inotungamirwa na Amai Joyce Mujuru.

Mutauriri we Young Voters Platform, VaEdgar Gweshe, vati kana pasina mubatanidzwa mumwe chete wakasimba, Zanu PF inonetsa kubvisa nesarudzo.

"Ndanga ndichiona sekuti zvakakosha kuti vatungamiriri vemapato akasiyana siyana ava vakabatana voita chinhu chimwe chete vokurudzira vanhu kuti vanyorese nekuvhota, nekuti tikaona system yava kutungamirirwa na VaMnangagwa ava ndoyaingobira ma elections saka zvikaramba zvakadai, vanhu ava vachatinetsa kubvisa," VaGweshe vanoyambira.

Mutauriri we Masvingo Human Rights Trust, VaTineyi Mapingure, vanotiwo kubatana kwakanaka nekuti sarudzo dzegore rinouya dzinogona kuita mhirizhonga nenyaya yemasoja ave kutungamirira Zanu PF.

"Pakuvhota kwatinoita parikutevera pasarudzo dziri kuya idzi pachange pane mhirizhonga yakati wandei sezvo panopindira mauto panenge pasina chakanaka, tikatarisa history yedu kubva 2008 mauto aingombunyikidza kodzero dzevanhu saka apa tinotoona kuti pachaitika violence yakatokura kupfuura yatakamboona, nekuti iye zvino hutungamiriri huripo hwakaiswa ipapo nemasoja saka vanotoda kuzvidzivirira kuri varambe varipo kwete zvekuti kune coalition yekwa nhingi na nhingi, tikawana hwani yakabata zvinotibatsira, vadaro VaMapingure.

Mutungamiri we Harare Residents Trust, VaPrecious Shumba, vashoropodza vatungamiri vemapato anopikisa, avo vati vari kurwira masimba ekutungamirira mubatanidzwa wakasimba izvo zvaita kuti mibatanidzwa ipatsanuke.

"Ve opposition pari zvino tikange takavatarisa kupatsanurana kwavo kuri kubva panyaya yekuti mumwe anoti ndini ndine kodzero dzekurwisa Zanu PF vamwe vanoti vakarohwa vamwe canoti izvo ndovakamirira opposition yose vamwe ndovane vanhu vakawanda vamwe vanoti vakadzidza saka opposition yose inofanira kucherechedza kuti dingindira ye campaign yavo ndeyekuti kudii," VaShumba vanotsanangura.

VaJefferson Chitando veRainbow Coalition, pamwe naVaKurauone Chihwayi ve MDC Alliance, vanoti mibatanidzwa yavo yakasununguka kutaurirana kuti kuve nemubatanidzwa mumwe chete asi izvi hazviitiki nenguva diki diki.

Studio7 yakundikana kubata VaMangoma ve CODE kuti vatipe pfungwa dzavo.

Nyaya Ina Gandri Maramba
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:14 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG