Accessibility links

Breaking News

Mapato Anopikisa Anoti Achakunda Musarudzo Gore Rinouya


VaJacob Mafume ve People's Democratic Party

Mapato anopikisa anoti haasi kumbovhundutswa nekuchinjwa kwehutungamiriri hwemubato reZanuPF achiti ane chivimbo chekukunda musarudzo dza2018.

Mutauriri webato rinopikisa reMovement for Democratic Change, VaObert Gutu, vati vari mubishi rekukurudzira ruzhinji rweZimbabwe kuti vanyorese kuvhota kuti vazovhotera shanduko zvisinei nekuti bato reZanuPF rakachinja mutungamiriri.

VaGutu vawedzerawo vakati vari kuramba vachirwisa nyaya dzekuti mitemo ine chekuita nesarudzo ishandurwe kuti kuitwe sarudzo dzine jekerere.

Vawedzerawo vakati vachatora mukana uyu kurwisa kusununguka kwenhepfenyuro dzehurumende kuti vakwanisewo kushambadza mashoko ebato ravo zvakasununguka.

Mutauriri weMDC inotungamirirwa naVaWelshman Ncube, VaKurauone Chihwayi, vatiwo vane chivimbo chekukunda musarudzo dza2018.

VaChihwayi vati mubatanidzwa wavo weMDC Alliance ndodanho guru raive rakamirirwa nevana veZimbabwe saka nekudaro vane chivimbo chekuti mubatanidzwa uyu uchavabatsira mukukunda.

VaChihwayi vatiwo kunyange hazvo vaimbove mutungamiriri wenyika nebato reZanu PF, VaRobert Mugabe, vaive dambudziko, vati dambudziko guru munyika ibato reZanu PF.

VaChihwayi vati vana veZimbabwe vachakatarisira shanduko chaiyo kwete yekungochinja mutungamiriri weZanu PF.

Mutauriri webato rePeople's Democratic Party, VaJacob Mafume, vatiwo kuchinjwa kwemutungamiri weZanu PF hakuchinji huipi hwebato iri. VaMafume vati vachiri kufamba vachitsvaga rutsigiro kuvanhu nemashoko eshanduko yezvokwadi.

Mutungamiriri mutsva wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, avo vave kutungamira bato reZanu PF, vari kuvimbisa kugadzirisa matambudziko ari kusanganwa nawo munyika akadai sekushaikwa kwemabasa, huori runyararo, sarudzo dzejekerere huye kushandira ruzhinji izvo zvaigarovimbiswa nemapato anopikisa.

Nyaya Ina Patricia Mudadigwa
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:42 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG