Accessibility links

Breaking News

Rimwe Bato Rinopikisa Roshaya Chivimbo neHurumende yaVaMnangagwa


Zimbabwean President Emmerson Mnangagwa delivers a speech during a rally with Zimbabwean businessmen and foreign investors at the Zimbabwean embassy in Pretoria, South Africa, on December 21, 2017. Emmerson Mnangagwa visits South Africa on his first forei
Zimbabwean President Emmerson Mnangagwa delivers a speech during a rally with Zimbabwean businessmen and foreign investors at the Zimbabwean embassy in Pretoria, South Africa, on December 21, 2017. Emmerson Mnangagwa visits South Africa on his first forei

Mutungamiriri werimwe remapato anopikisa re People’s Democratic Union Party, VaChristopher Bengwani Sibindi, vanoti havaoni hurumende yaVaEmmerson Mnangagwa ichiita sarudzo dzejekerere gore rinouya.

Vachitaura nevatori venhau muHarare, VaSibindi vati hurumende yaVaMnangagwa inongori nevanhu vamwe chete vaibatsira vaimbove mutungumiriri wenyika, VaRobert Mugabe, kuita sarudzo dzisiri dzejekerere. VaSibindi vati havaoni hurumende yeZanu PF ichiita sarudzo dzakasununguka munyika.

"Vana veZimbabwe vanoda shanduko, uye vanofanirwa kuita chirwiraingwe voisa mutungamiri anenge akunda muna 2018 kunyange asingadiwi nemauto," vadaro VaSibindi.

Mumwe mudzidzi wezvidzidzo zvePolitical Science, VaChamunorwa Mgombedzi, vatsigirawo pfungwa dzaVasibindi vachiti havaoni mauto achitambira mutungamiri wavasingadi kunyange akunda musarudzo dza2018.

Mubatanidzwa wemapato anopikisa weMDC Alliance wakaudza vatori venhau kuti ucharwisa kuti kuitwe sarudzo dzakachena pamwe nekuona kui masangano ekunze akaita seUnited Nationa, Africa Union nemamwewo, apihwa mukana wekuongorora zvichaitika mwedzi mishoma sarudzo dzisati dzaitwa, panguva yesarudzo pamwe nemushure mesarudzo.

Vachitora mhiko yekuva mutungamiri wenyika, VaMnangagwa vakavimbisawo sarudzo dzakachina uye dzinoitwamurunyararo.

Asi vamwe vanoti havatambiri nemoyo wese mashoko aVaMnangagwa vachitimunhu akagara muhurumende kwenguva yakareba ari gurukota rezvemitemo rinoona nezvesarudzo, asi havana zvavakaita mukuvandudza mitemo yesarudzo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:55 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG