Accessibility links

Breaking News

Nhengo yeMDC Alliance Inopambwa Mambakwedza kuMasvingo


John Mupanduki
John Mupanduki

Nhengo yeMDC Alliance, VaJohn Mupanduki, vapambwa mambakwedza nhasi pamba pavo paNyika Growth point kuBikita muchiitiko chinofungidzirwa kuti chine zvematongerwo enyika mukati.

VaMupanduki vanonzi vapambwa nhasi mangwanani nevanhu vanga vaine motokari inofungidzirwa kuti ndeyemhando yeToyota Vitz.

Mudzimai waVaMupanduki, Amai Sheila Zvada Mupanduki, vati vanhu vanosvika vashanu vachizviti mapurisa vagogodza pamusowo wavo vakarara nemurume wavo, vakati vanoda kutaura naye ndokubva vaenda naye kumota uko vamupinza mukati memota iyi ndokubva vaenda naye.

Amai Zvada Mupanduki vati vamhangara nyaya iyi kumapurisa epaNyika growth point, uye havasati vaziva kuti murume wavo aripi sezvo nharembozha yake yave kuramba kupinda.

Mutauriri wemapurisa muMasvingo, Inosector Kudakwashe Dehwa, vati
vange vasingakwanisi kupindura mibvunzo yedu sezvo vange vari mumusangano.

Hatina kukwanisawo kubata mutauriri wemapurisa munyika, Assistant Commissioner, Paul Nyati, sezvo nharembozha yavo yanga ichinetsa kubata.

Munyori muboka revechidiki muMDC-A muMasvingo, VaGilbert Mutubuki, vati vanofungidzira kuti mumwe wavo apambirwa zvematongerwo enyika apo nyika yatarisana nesarudzo.

Vaenderera mberi vachiti vanofungidzira kuti pane ruoko rweZanu PF pakupambwa kwaVaMupanduki.

Asi sachigaro weZanu PF muMasvingo, VaRobson Mavhenyengwa, vati
havasati vanzwa nezvechiitiko ichi vachiti bato ravo hariiti
zvemhirizhonga sezvo richikoshesa mutemo wenyika.

Asi VaMutubuki vati zvaitwa pana VaMupanduki zvinoburitsa pachena kutyorwa kwekodzero dfxzevanhu vanopikisa hurumende panguva iyo nyika yava kugadzirira kuita sarudzo dzema by elections muna Kurume.

Mudzimai waVa Mupanduki ati ari kutya zvikuru uye vana vavo vatatu
vakaona kupambwa kwaitwa baba vavo.

Mukuru pavana ava ane makore manomwe wekupedzisira ane matatu.
Kupambwa kwaVaMupanduki kunoitika pasina mwedzi mitatu yapfuura apo imwe nhengo MDCA, VaNyasha Zhambe Mawere, vekwaGutu, vakafa mushure mekurohwa nevanonzi vatsigiri veZanu PF.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:05 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG