Accessibility links

Breaking News

Muzvare Majome Vokwikwidza Vakazvimirira muHarare West


Jessie Majome

Mumuriri weHarare West muparamende, Muzvare Jessie Majome, vanoti vari kukwikwidza musarudzo yekutsvaka achamirira Harare West vakazvimirira.

Muzvare Majome vazivisa kuti vachakwikwidza sarudzo yemuHarare West vakazvimirira, zvichitevera danho ravakatora mukupera kwesvondo, rekubuda musarudzo ye primary election mubato ravo reMDC-T inotungamirwa naVaNelson Chamisa.

Muzvare Majome vati pane chitsotsi chiri kuitika pakufambiswa kwesarudzo yema primary elections muMDC-T yaVaChamisa.

Muzvare Majome vati vasangana nemutevedzeri wasachigaro weMDC-T, VaMorgan Komichi, vakavaudza zvikonzero zvaita kuti vakwikwidze vakazvimirira.

Muzvare Majome vati havasi kuda kupinda mumutambo unoita semakasi izvo zvinotsikirira kodzero dzevagari vemudunhu reHarare West.

Mugari wemuHarare West, VaNelson Bangajena, varatidza kushushikana nezviri kuitwa nevakuru vakuru muMDC-T yaVaChamisa zvokuvasarudzira mumiriri wavasina kuvhotera.

Mumwe mugari, Amai Marjory Chombe, vati havasi kufara nekutukwa kuri kuitwa Muzvare Majome pa social media nevechidiki vanozviti ndeve MDC-T

Studio7 haina kukwanisa kubata VaKomichi kuti tinzwe divi ravo panyaya yanetsa mubato ravo.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika dzinoti veruzhinji havasi kufara nezviri kuitika mubato reMDC-T sezvo paine kutyorwa kwemitemo yesarudzo.

Nyanzvi idzi dzinoti zvakaitika musarudzo dza2013 zvinogona kuitika zvakare kana MDC-T ikasagadzirisa maitiro ayo.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:06:03 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG